RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 2/15 p. 32
  • Zvokwadi yeEvhangeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokwadi yeEvhangeri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 2/15 p. 32

Zvokwadi yeEvhangeri

ZVIMEDU zviduku zvitatu zvemanyoro eEvhangeri yaMateo, zvinozivikanwa seP64, zvave zvine Magdalen College muOxford, England, kubvira muna 1901. Kwenguva yakati, nyanzvi dzaidavira kuti zvaisvika shure kurutivi rwapashure rwezana ramakore rechipiri C.E.

Nguva pfupi yapfuura, Carsten P. Thiede, imwe nyanzvi yemanyoro akanyorwa panhokwe muPuderborn, Germany, akaita kunzvera kwakakwana kweP64, yakaumbwa nemativi endima 10 dzomuna Mateo ganhuro 26. Mugumisiro wacho? Achinyora muZeitschrift für Papyorologie und Epigraphik (Journal of Papyrology and Epigraphics), Thiede anorondedzera zvidimbu zveOxford se“chimedu chekodhekisi yechiKristu yezana rokutanga ramakore, zvichida (kunyange hazvo zvakadaro) inotangira AD 70.”

Tsinhiro dzaThiede dzakaparira nyanduko huru mune zvinobudisa nhau uye muvanhu vakadzidza. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti chiri kugamuchirwa sechikamu chasara chekaresa chorugwaro rwemuEvhangeri iP52, chimedu cheEvhangeri yaJohane chinovambira munenge muna 125 C.E., kana kuti kasati kari kare kupfuura zana ramakore rechipiri.

Kana musi mutsva wakapiwa zvimedu zvemanyoro apanhokwe P64 uchagamuchirwa zvikuru zvichada kuoneka. Zvisinei hazvo, musi wapakuvamba zvikuru haungaiti bedzi P64 zvimedu zveEvhangeri zvekaresa zviripo; unogoverawo ufakazi hwakawedzera hunoratidza kuti Evhangeri yaMateo yakanyorwa zvirokwazvo muzana rokutanga ramakore, sezvinobvira kunyange 70 C.E. asati asvika, apo zvapupu zvakaona zvakawanda zvezviitiko zvoupenyu hwaJesu zvakanga zvichiri zvipenyu kuti zvitsigire zvokwadi yeEvhangeri.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Nebvumirwo yaPurezidhendi neVamwe Vake veMagdalen College, Oxford.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe