Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—New Zealand
ZVITSUWA zvinogona kurumbidza Jehovha here? Hungu, maererano naIsaya 42:10: “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; . . . zviwi navagere pazviri.” Zvitsuwa zvinoumba New Zealand zvirokwazvo zvinorumbidza Jehovha. Nyika inosanozivikanwa nokuda kwenyanza, mafjord, makomo marefu, aizi inoyerera, mahombekombe, masango emiti isingaiti maruva nemhodzi omunzvimbo dzapasi dzinopisa, uye nzvimbo dzakaorera dzamafuro, New Zealand inopupurira zvakajeka uchangamire noukuru zvoMusiki wedenga nenyika.
Chibviro chomushure mokungovamba kwezana ramakore, vakawanda zvikuru vevagari veNew Zealand vakawedzera manzwi avo kuti varumbidze Jehovha kupfurikidza nokutendeukira kwaari mukunamata kwakachena uye kugoverana navamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Nguva pfupi yapfuura, chimwe Chapupu icho chakanga chava nechakaitika chakanaka pamusoro pokupupurira kuhama dzokunyama chakasarudza kupupurira kumhuri yacho. Chakapa mitezo yemhuri inoverengeka chipo chamakopi ebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Ndeipi yave iri migumisiro yacho kusvika panguva ino? Chinoshuma kuti hanzvadzi imwe nomunun’una mumwe zvino vari kufunda Bhaibheri, muzukuru akabhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, uye vamwe zvino vari kuva vanogamuchira zvikuru zvokwadi yeShoko raMwari. Chichine munda mukuru wokushanda; kunze kwavabereki vacho, chine vanun’una vatanhatu nehanzvadzi pfumbamwe!
Kurumbidzwa kwaJehovha kunovapowo apo Zvapupu zvinobatana kuti zvivake Horo dzoUmambo. Somuenzaniso, mumwe munyori wepepanhau Roy Perkins akanyora muOpotiki News yaMay 17, 1994, kuti: “Ndichiva asingatendi, ndakaororwa zvikuru namabasa nenhamburiko zvakaitwa navashandi vose vanozvipira avo vakashandisa nguva nenhamburiko zvakawanda kwazvo mubasa racho nemhaka yokuda Mwari wavo.
“Mumaawa ebasa ose aya akapedzerwa mukupera kwevhiki handina kutongoona kana kuti kunzwa kunyange kakavadzano imwe yavashandi . . . Vakadzi vakanga vari pamachanja, vachishanda vari parutivi rwavarume vavo, vachibvisa dhaka rekare raiva pakati pezvidhina, vachisimudza, vachitakura zvinhu, vose vari muchimiro chendangariro chokusununguka uye chokufara.
“Uye hapana mushandi upi noupi akanga ane nguva yokutambisa. Nokuda kwavanhu vose avo vakanga vachishanda murutivi rupi kana rupi mhepo yakanga yakachena uye isina kushatiswa kunze kwehwema hwependi nehuruva yezvidhina.”
Mutumbi wavakuru weUngano yeOpotiki wakanyora, kuti: “Basa racho rose rakaorora zvikuru vanhu vomutaundi racho. Kunoratidzika sokunge kuti munhu ari wose ari kutaura pamusoro pakwo. Fundo dzeBhaibheri dzinoverengeka dzakatangwa. Imwe yatinoona zvikurukuru ichifadza zvikuru ndeyevaroorani vakanyura mune zvorudzidziso avo kwamakore akawanda vakakumbira kuti tisavashanyire. Vakauya panzvimbo yokuvaka zuva rimwe nerimwe uye ipapo kumusangano. Murume wacho akati pashure pacho, ‘Ndinogona kuona kuti muri vanhu vaMwari. Nechomukati, ndave ndichipanga muupenyu hwangu hwose kusonganirana navanhu vakaita saava.’”
Gore rakapfuura, munyori wepepanhau weOtago Daily Times akataura zvinotevera pamusoro peHoro yoUmambo yakavakwa nokukurumidza muDunedin: “Chakanga chiri chiito chinoshamisa, muenzaniso unoshamisa wokusundwa uye wokuzvibetsera.” Pepanhau rimwe chetero rakatsinhira, kuti: “Vanhu vomuguta vakatarira nokushamiswa sezvo chivako chikuru chakakura vakatarira, uye vakawanda vanofanira kuve vari kurangarira izvo kumwe kuchinja uye mabasa akanaka zvinogona kupedzwa kudai boka ravanoshandira pamwe rakakura zvakafanana rebasa rokuzvipira uye rine mudzimu wakakura wokubatira pamwe raiwanika. Horo yoUmambo chiratidzo chinodadisa chenhamburiko inovaka yokuwana migumisiro.”
Pakati pamazana akawanda ayo akashanyira nzvimbo yokuvaka, mumwe murume akati Zvapupu zvakanga zvichivaka “machechi” nepo sangano rake rorudzidziso rakanga richiatengesa nemhaka yemitezo yakanga ichiderera. “Kudai makanga mamirira kweinenge mimwe mwedzi gumi nemiviri, maizogona kutenga imwe yedzedu,” akadaro noushingi. “Tinofanira kutengesa imwe nemhaka yokuti hatigoni kuramba tichiripira. Asi, chokwadika, imi vanhu hamuna vafundisi vanobhadharwa. . . . Uye ipapo zvivako zvenyu zvinoda mari yakaderera yokuzvitarisira, kwete zvivako zvirefu zvikuru zvisingabviri kutarisira.”
Nenzira yakajeka, zvitsuwa zvinogona zvirokwazvo kurumbidza Mwari. Kurumbidzwa kwaJehovha ngakupfuurire kunzwikwa muiyi nyika yakaisvonaka yePacific—uye kupota nyika yose!
[Bhokisi riri papeji 9]
KUKAMURANISWA KWENYIKA:
Gore Rebasa ra1994
NHA. YAPAMUSORO INOPUPURA: 12 867
RESHIYO: Chapupu 1 Kuvane 271
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 24 436
AVH. YAVAPARIDZI MAPIYONA: 1 386
AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 7 519
NHAMBA YAKABHAPATIDZWA: 568
NHAMBA YEUNGANO: 158
HOFISI YEBAZU: MANUREWA
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mapiyona achienda mumunda munenge muna 1930
[Mufananidzo uri papeji 9]
Zvivako zvebazu muManurewa
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kuparidzira shoko roUmambo muDevonport, Auckland