Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Mudzidzi Jakobho akarevei apo akati: “Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuurisa”?—Jakobho 3:1.
Jakobho zvirokwazvo akanga asiri kuodza mwoyo vaKristu pakudzidzisa vamwe zvokwadi. Pana Mateo 28:19, 20, Jesu akarayira vadzidzi vake ku“dzidzis[a] marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai.” Nokudaro, vaKristu vose vanofanira kuva vadzidzisi. Muapostora Pauro akapa zano vaKristu vechiHebheru nemhaka yokuti vakanga vachigere kuva vadzidzisi. Akanyora, kuti: “Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari.”—VaHebheru 5:12.
Chii, ipapoka, icho Jakobho akanga achitaura pamusoro pacho? Akanga achinongedzera kuavo vane ropafadzo chaidzo dzokudzidzisa muungano. Pana VaEfeso 4:11, tinorava, kuti: “[Jesu Kristu, Musoro weungano] wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi.” Kwakanga kune nzvimbo chaidzo dzokudzidzisa pakati peungano dzomuzana ramakore rokutanga sezvadziripo nhasi. Somuenzaniso, Mutumbi Unodzora unomirira “muranda wakatendeka, wakangwara” uye une basa chairo rokutarisira kudzidziswa kweungano yenyika yose. (Mateo 24:45) Vatariri vanofambira navakuru veungano vanewo mabasa chaiwo okudzidzisa.
Jakobho akanga achiudza varume vechiKristu vakakwaniriswa kuti havafaniri kugamuchira basa romudzidzisi nokuda kwokutya rutongeso rwaMwari rwakakomba here? Nyangwe. Basa romukuru iropafadzo huru, sezvinoratidzirwa nebhuku ra1 Timotio 3:1, iro rinoti: “Kana munhu achitsvaka basa romutariri, unoda basa rakanaka.” Chimwe chezvinodikanwa zvokugadzwa somukuru weungano ndechokuti murume anofanira ku“ziva kudzidzisa.” (1 Timotio 3:2) Jakobho haana kupokanidza mashoko akafuridzirwa aPauro.
Zvisinei, kunoratidzika kuti muzana ramakore rokutanga C.E., vamwe vakanga vachizvigadza vamene savadzidzisi, kunyange zvazvo vakanga vasingakwanirisi uye vakanga vasina kugadzwa. Sezvingabvira, vairangarira kuti makanga mune utanhamari hwakati mubasa iroro, uye vaishuva mbiri yomunhu oga. (Enzanisa naMarko 12:38-40; 1 Timotio 5:17.) Muapostora Johane akadudza Dhiotrefe, uyo ‘aida kuva nenzvimbo yokutanga, asi haana kugamuchira chinhu chipi nechipi kubva kuna Johane noruremekedzo.’ (3 Johane 9) Bhuku Rokutanga raTimotio 1:7 rinotaura nezvevamwe vakati avo ‘vaida kuva vadzidzisi vomurayiro asi vaisaziva zvinhu zvavakanga vachitaura kana kuti zvinhu izvo vakanga vachiita kutaura kwakasimba pamusoro pazvo.’ Mashoko ebhuku raJakobho 3:1 akakodzera zvikurukuru varume avo vanoshuva kuva vadzidzisi asi vane vavariro yakaipa. Vakadaro vaigona kukuvadza zvakakomba boka uye nenzira inowirirana vaizogamuchira rutongeso rwakakomba.—VaRoma 2:17-21; 14:12.
Jakobho 3:1 chiyeuchidzowo chakanaka nokuda kwaavo vakakwaniriswa navanobatira savadzidzisi. Sezvo zvakawanda zvakaronzeswa kwavari, zvakawanda zvichadikanwa kwavari. (Ruka 12:48) Jesu akati: “Shoko rimwe nerimwe risina maturo, rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga.” (Mateo 12:36) Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru nezvaavo vane mashoko ane pesvedzero huru, vakuru vakagadzwa.
Vakuru vachazvidavirira nokuda kwenzira yavanobata nayo makwai aJehovha. (VaHebheru 13:17) Zvavanotaura zvinotapura upenyu. Nokudaro, mukuru anofanira kuva anongwarira kusasimudzira mirangariro yake amene kana kuti kubata zvisina kufanira makwai sezvaiita vaFarise. Anofanira kuvavarira kuratidzira rudo rukuru rwumwe cheterwo urwo Jesu akaratidza. Mukudzidzisa kuri kwose, uye zvikurukuru apo anobatanidzwa munhau dzokutonga, mukuru anofanira kuyera mashoko ake, kwete kushandisa zvikamu zvamashoko zvisina kusanofungwa kana kuti kutaura pfungwa dzomunhu oga chaidzo. Kupfurikidza nokuvimba zvikuru naJehovha, Shoko rake, uye nhungamiro dzake kupfurikidza nesangano rake, mufudzi achagamuchira chikomborero chikuru chaMwari, kwete ku“tongwa nokupfuurisa.”