RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/1 p. 30
  • Kuisirwa Ropa Kunorangarirwazve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuisirwa Ropa Kunorangarirwazve
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/1 p. 30

Kuisirwa Ropa Kunorangarirwazve

MUINO nguva isingafadze yeAIDS, tyisidziro hurusa kuutano hwomurwere wechipatara ingavanda mukamuri rokuvhiyira. “Hapana nzira yatinogona kuita nayo kuti ropa rive risina utachiona,” anodaro Dr. Richard Spence, uyo kwamakore anopfuura gumi akatungamirira Center for Bloodless Surgery paCooper Hospital-University Medical Center muCamden, New Jersey, U.S.A.

Zvisingashamisi, nzvimbo yacho inorapa Zvapupu zvaJehovha zvakawanda, izvo kuramba kwazvo kuisirwa ropa kwakavakirwa paBhaibheri kunosanozivikanwa. (Revhitiko 17:11; Mabasa 15:28, 29) Zvisinei, nhamba yakati yavarwere vasiri Zvapupu iri kuuyawo kunzvimbo yacho, ichiitira hanya ngozi dzinobvira dzokuisira ropa, idzo dzinobatanidza kubata hepatitis, AIDS, uye dzimwe hosha. “Kuoneka kweAIDS kwaratidza kudikanwa kwokuongorora ropa,” inodaro Courier-Post Weekly Report on Science and Medicine. “Asi dzimwe hosha dzinogona kungopfuura dzisingacherekedzwi nokuongorora nemhaka yokuti mumwe munhu angagona kuva neutachiona hwacho husati hwaonekwa pakuedza.”

Nemhaka yengozi dzakadaro, Center for Bloodless Surgery inoshandisa zvinotsiva kuisirwa ropa, kubatanidza kuiswazve kweropa remurwere amene—unyanzvi uhwo zvimwe Zvapupu zvisingarambi mumamiriro akati ezvinhu.a Kumwe kurapa kunobatanidza kushandiswa kwemirimo inonyandura kugadzirwa kweropa romurwere. Mukuwedzera, chinotsiva ropa chakagadzirwa chinoshandiswa panguva nenguva kutsigira kufambiswa kweoxygen pasina kudikanwa kweropa rinoisirwa. “Zvapupu zvaJehovha zvinoda kurapa kwakanakisisa,” anodaro Dr. Spence, “asi zvinoda zvinotsiva kuisirwa ropa.”

Zvapupu zvaJehovha zvinoonga batira pamwe nebetsero izvo zvakawana kuna vanachiremba avo vanoremekedza zvitendero zvazvo zvorudzidziso. Somugumisiro, zvakagamuchira zvirokwazvo “kurapa kwakanakisisa” uye zvakachengeta hana yakachena pamberi paJehovha Mwari.—2 Timotio 1:3.

[Mashoko Omuzasi]

a Kurukurirano ine udzame yeuyu muitiro nezvinhu zvinobatanidzwa mukuita chisarudzo chomunhu oga, chakavakirwa pahana yakarongwa muNharireyomurindi yaMarch 1, 1989, mapeji 30-1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe