RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/15 pp. 2-3
  • Mwari Anotonga Nyika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anotonga Nyika Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Pamba Panombofanira Kuva Nemitemo Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kuteerera—Chidzidzo Chinokosha Here Kuvaduku?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/15 pp. 2-3

Mwari Anotonga Nyika Here?

MANGWANANI eSvondo. Vanhu vakawanda vanoburuka pamubhedha, vanopfeka, vosvusvura, uye vomhanyira kuchechi. Ikoko vanoteerera mharidzo pamusoro pokuti Mwari anotonga sei ari mukurusa pamusoro pepasi, asingakwikwidzanwi muchiremera. Vanoudzwa kuti anoitira hanya zvikuru vanhu. Nongedzero inoitwawo kuna Jesu Kristu. Vanganzwa kuti ndiye Mambo wamadzimambo kwaari ibvi riri rose rinopfugama mukuteerera.

Pavanosvika kumusha vachibva kuchechi, vanhu ava vangavhura terevhizheni ndokuona nhau. Zvino vanonzwa pamusoro penzara, utsotsi, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, urombo. Uye vanoona zviono zvinonzwisa urombo zvechirwere nerufu.

Vanhu vamwe navamwe vangavamba kushamisika pamusoro pezvinhu zvavanzwa muchechi uye zvikurukuru pamusoro penhau dzisina kutongotsanangurwa ikoko. Kana Mwari ari zvose zviri zviviri ane rudo neane simba rose, neiko zvinhu zvakaipisisa zvichiitika? Uye zvakadiniko naJesu Kristu? Sezviri pachena, pane mabvi akawanda asingapfugami mukumuteerera.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Kana Mwari achitonga nyika, neiko kune kutambura kwakadai nenyongano?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Cover: NASA photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe