RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 6/15 p. 32
  • Vakadzi Kupota Nyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakadzi Kupota Nyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 6/15 p. 32

Vakadzi Kupota Nyika

APO vanhu vaviri vokutanga vakapandukira Mwari, Jehovha akafanotaura pamusoro pemigumisiro ine ngwavaira yaizowira vose vari vaviri ivo nevana vavo. Jehovha akati kuna Evha: “Kuda kwako kuchava kumurume wako, iye uchava ishe wako.” (Genesi 3:16) Bhaibheri nenzira inotsinhirana rinokurudzira kuremekedza vakadzi kukuru, uye mamiriyoni avakadzi anofarikanya upenyu hunofadza zvikuru, hunogutsa zvikuru nemhaka yokuti ivo nemhuri dzavo vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri.

Maererano nomushumo wenguva pfupi yapfuura pamusoro pekodzero dzavanhu, zvisinei, vamwe vakadzi vakawanda munyika yose vanodukupiswa, vanoshandiswa, uye vanozvidzwa. Ichitsinhira pamusoro pomushumo wacho, International Herald Tribune inoti: “Muudzame hunorwadza, mushumo pamusoro penyika 193 . . . unoratidzira mamiriro ezvinhu anosuruvarisa erusaruro rwezuva nezuva nokubata kusina kufanira.”

Mienzaniso mishomanene: Pakati peAfrica, vasikana vanofanira kuita rakawanda zvikurusa rebasa rakaoma rapapurazi, uye vakomana vakawanda nakatatu vanopinda chikoro kupfuura vasikana. Mune imwe nyika imomo, upombwe hausiri hwapamutemo nokuda kwavakadzi asi kwete nokuda kwavarume. Mutemo weimwe nyika yeAfrica unohesvura murume uyo anouraya mudzimai wake kana akabatwa achiita upombwe, asi mutemo wacho hauhesvuri mudzimai anouraya murume wake mumamiriro ezvinhu akafanana.

Mushumo wacho unoti mumativi eSouth America, mapurisa haasati achinzwira tsitsi vakadzi vanorohwa. Uye vakadzi vanoshanda kazhinji kazhinji vanofanira kurarama nomuripo wakaderera ne 30 kana kuti 40 muzana kupfuura varume.

Mumativi eAsia, vakadzi ndivananyajambwa vokumisa kubereka kwokumanikidzirwa uye kubvisa pamuviri. Mune imwe nyika, kune pfambi dzinosvika 500 000, dzakawanda dzadzo dzakatengeswa muna ikoku navabereki vadzo vachitsvaka mari yokubetsera kuzvitengera vamene misha mitsva. Mapurisa mune imwe nyika anofanira kugonana ne“nzufu dzeroora”—mudzimai anourawa nomurume wake kana kuti nemhuri yake nemhaka yokuti roora rake harina kusvitsa zvaikarirwa.

NezvaJesu Kristu, Bhaibheri rinotivimbisa, kuti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usino mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.” (Pisarema 72:12-14) Naizvozvo tine chikonzero chokuva vane chivimbo; vakadzi munyika yose vanogona kukarira mamiriro ezvinhu akavandudzwa achavapo panguva iyoyo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe