“Kutengesa Munyu” muMozambique
FRANCISCO COANA, mutezo wedare renyika reMozambique, akapedza makore gumi ari mu“misasa yechibharo.” Anotaura chakaitika chake, achiti: “Ndaiziva kuti takanga tichizova pano kwenguva yakati, naizvozvo ndakabvunza mutariri wedunhu kana ndaigona kupfuurira sapiyona wenguva dzose. Asi ndaizokwanisa sei kupa nguva yakakwana kuushumiri hwapachena, sezvo anodokuva munhu ari wose mumisasa yacho akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha? Ndakataura kuti ndaizoenda kuMilange, taundi riri kure namakiromita 47, kuti ndiwane vanhu vokuparidzira.
“Kunyange zvazvo takanga tisingabvumirwi pamutemo kubva mumusasa, uyu mutemo wakanga usingamanikidzirwi nenzira yorumano. Ndinogona kuyeuka ndichipinda musango, ndokupfugama, uye ndichinyengetera nokuda kwenzira yokuparidzira nayo vanhu vomunzvimbomo. Jehovha akapindura nokukurumidza.
“Ndakawana mumwe murume aiva nebhasikoro, uye ndakaita chibvumirano naye. Akabvuma kuti kana ndikarima munda wake wamaeka maviri mvura isati yanaya, aizoripira mubhadharo wangu nebhasikoro iri. Naizvozvo ndakapedza mangwanani mamwe namamwe ndichirima minda yake. Jehovha akakomborera gadziriro iyi, sezvo pakupedzisira ndakawana bhasikoro rangu.
“Mugumisiro wacho wakanga uri wokuti ndakakwanisa kusvika kutaundi guru reMilange ndokupfuuridzira kupayona kwangu nenzira inobudirira muuyu munda unobereka zvibereko. Sezvo basa redu rakanga rarambidzwa, ndaitofanira kutanga nzira yokusuma nayo vanhu kuzvokwadi. Namabhuku namagazini zvakaiswa muhembe mangu, ndakaisa munyu muhomwe ndokutanga kutengesa munyu. Panzvimbo pokuutengesa nokuda kwe 5 meticais, ndakauita 15 meticais. (Kudai wakanga wakanyanyochipa, vanhu vaizoutenga wose, uye ndaisazovazve nomunyu upi noupi wokuti ndishandise nokuda kwokuparidza!) Kurukurirano yangu yaipfuurira seizvi:
“‘Kaziwai! Nhasi ndiri kutengesa munyu.’
“‘Imarii?’
“‘Mameticais gumi namashanu.’
“‘Aiwa, aiwa. Wanyanyodhura zvikuru!’
“‘Hungu, ndinobvuma kuti uri kudhura. Asi kana muchifunga kuti uri kudhura zvino, mirai kwechinguvana chete nokuti uchava wava kudhura zvikuru kwazvo munguva yemberi. Maiziva here kuti ikoku kwakafanotaurwa muBhaibheri?’
“‘Handisati ndatongorava ikoko muBhaibheri rangu.’
“‘Hungu, zvirimo. Unzai Bhaibheri renyu, regai ndikuratidzei.’
“Naikoko kurukurirano yaitevera tichishandisa Bhaibheri rake, naizvozvo rangu raigona kuramba riri muhembe yangu. Ndainongedzera kuna Zvakazarurwa ganhuro 6, pamusoro pamamiriro ezvinhu akaoma nokuperevedza kwezvokudya. Kana ndikaona davidzo yakanaka, ndaizobudisa bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi kana kuti Mashoko Akanaka Okukufadza ndokutanga fundo yeBhaibheri yenguva dzose.
“Mugumisiro wacho wakanga uri wokuti ndakakwanisa kutanga boka ravanofarira 15 muMilange. Asi yakanga isati iri nguva refu zviremera zvisati zvatibata. Rimwe zuva apo ndakanga ndichiitisa fundo yeBhaibheri, mapurisa akapinda kamwe kamwe ndokutisunga. Tose zvedu, kubatanidza vana vaduku vemhuri yacho, takaendeswa kutorongo romunzvimbomo. Pashure pokupedza mwedzi tiriko, tose zvedu takadzoswa kumusasa zvakare.”
Izvi zvakaitika hazvina kuderedza shingairo yehama dzedu. Mukupesana, Francisco nemhuri yake, pamwe chete nezviuru zvehama dzavo idzo dzakanga dziri mumisasa, zvino vanonamata nokuparidza mumamiriro ezvinhu okusununguka muMozambique.