Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Kuparidza Munguva Inonetsa
MUAPOSTORA Pauro akafanotaura kuti “namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika [dzaizo]svika.” (2 Timotio 3:1) Mashoko iwayo akabvumikisa kuva echokwadi sei! Vanhu veEl Salvador muCentral America vakatambura kwenguva refu iyi zvomene inorwadza. Kwaanopfuura makore gumi, nyika iyoyo yakanga yakanyura muhondo yavagari vemo iyo yakaunza rusuruvaro norufu kuzviuru zvakawanda. Hondo yacho zvino yakapera, asi rusuruvaro rwuripo. Utsotsi hwakakwira zvikuru pashure pehondo. Mumwe mushamarari weterevhizheni womunzvimbomo akati nguva pfupi yapfuura: “Masimba masimba nougororo zvino chiitiko chezuva riri rose.”
Zvapupu zvaJehovha zvakatapurwawo nouyu muitiro woutsotsi. Makororo akapaza Horo dzoUmambo dzakawanda uye akaba magudzanzwi. Panhambo dzinoverengeka zvikwata zvepwere dzine zvombo zvakapinda namasimba masimba muHoro dzoUmambo misangano yechiKristu ichipfuurira, zvichibira avo vaiva muvateereri mari, wachi, uye zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvichiita mibato yazvo yezuva nezuva, Zvapupu zvakati zvakaurawa namakororo.
Pasinei zvapo neidzi mhinganidzo, Zvapupu zvaJehovha muEl Salvador zvinopfuurira kushanda zvakaoma mukuparidza mashoko akanaka. Zvinoita ikoku mukuteerera murayiro wapaMagwaro, unoti: “NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.” (Marko 13:10) Kuchine vakawanda munyika iyi avo vanoshuva tariro yoUmambo iyo Bhaibheri rinopa, uye Zvapupu zviri kuvavarira kusvika ari wose wavo. Kupupura kwamasanga kuri kubvumikisa kuva mutoo unobudirira wokuparidza.
Chichirapwa pane chimwe chipatara, chimwe Chapupu chakashandisa mukana uri wose kutaura kuvamwe varwere pamusoro pemhiko dzaMwari dzenguva yemberi, sedzinowanikwa muBhaibheri. Mumwe murwere airwara zvakakomba akachema nenzira inosuruvarisa, achiti: “Nokukurumidza ndichafa!” Asi chitarisiko chinosiririsa chomurwere wacho hachina kuodza mwoyo Chapupu kurega kugoverana mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Panzvimbo pezvo, chakaravira murume wacho zvinonzwika bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Mazuva mashomanene gare gare, Chapupu chacho chakabuda muchipatara, chichifunga nokusuruvara kuti murume wacho akanga ava pedyo norufu.
Makore mana gare gare Chapupu chacho chaifanira kurapwa pane chimwe chipatara. Apo chakanga chiri ipapo, mumwe murwere akachisvika ndokuti: “Munondiyeuka here?” Akanga ari murume wachakanga chasangana naye makore mana pamberi pezvi, murume aifungidzirwa kuti akanga ava kufa! Chishamiso chinofadza zvakadini apo murume wacho akachimbundira ndokuwedzera, kuti: “Zvino ndavawo mumwe weZvapupu zvaJehovha!” Murume wacho akanga agamuchira tariro yeBhaibheri yenguva yemberi, adzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye atsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Akanga asiri Chapupu bedzi asi akanga ave achigoverana mubasa renguva yakazara sapiyona wenguva dzose kwaanenge makore maviri.
Muchiitiko chino, mbeu dzezvokwadi dzakanga dzasimwa mumamiriro ezvinhu amasanga dzakasvika mwoyo unogamuchira. Iyi ropafadzo yokubetsera vanhu kuziva zvokwadi inosunda vaKristu vechokwadi kupfuuridzira basa rokuparidza pasinei zvapo neidzi “nguva dzokutambudzika.”