RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 3/1 p. 32
  • “Samazuva Omuti”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Samazuva Omuti”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 3/1 p. 32

“Samazuva Omuti”

ANOPFUURA makore ane zviuru zvitatu apfuura, Mosesi akanyora, kuti: “Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, kana tine simba makore makumi masere; asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi.”—Pisarema 90:10.

Pasinei zvapo nefambiro mberi mune zvokurapa, nduramo yomunhu ichiri imwe cheteyo sezvayakanga iri muzuva raMosesi. Kunyanguvezvo, vanhu havasati vachizoshurikidzirwa nguva dzose kukuvapo kupfupi kwakadaro. Mubhuku reBhaibheri raIsaya, Mwari akati: “Samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”—Isaya 65:22.

Mumwe wemiti inorarama kwenguva refu zvikurusa munyika dzeBhaibheri muorivhi. Muti unoratidzirwa pano ndomumwe wemiorivhi yakawanda yava namakore churu ichiri kukura zvakanaka muGarirea. Ndirini apo vanhu vachararama kwenguva yakareba zvakadaro? Uporofita humwe chetehwo hunotsanangura kuti kuchava apo Mwari anosika “denga idzva nenyika itsva.”—Isaya 65:17.

Bhuku raZvakazarurwa rinoporofitawo kuvambwa kwe“denga idzva nenyika itsva”—hurumende itsva yokudenga nechaunga chavanhu chitsva apo Mwari a“chapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.”—Zvakazarurwa 21:1, 4.

Iyi mhiko youmwari ichazadzikwa nokukurumidza. Panguva iyoyo, kunyange mazuva omuorivhi acharatidzika sezuvawo zvaro ramaawa 24. Uye tichava nenguva yakakwana yokufarikanya zvakazara basa ramaoko edu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe