RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 3/1 p. 24
  • Vanhu vaMwari Vanozvipa Vamene Nokudisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu vaMwari Vanozvipa Vamene Nokudisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Nzvimbo Dzekunamatira
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kuvaka Dzimba dzoUmambo—Chimwe Chezvinhu Zvinokosha Zvebasa Dzvene
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 3/1 p. 24

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Vanhu vaMwari Vanozvipa Vamene Nokudisa

ZITA rake rakanga riri Josefa, uye akanga ari mugari akaberekerwamo wechitsuwa cheCyprus. Akanga ari pakati pavaKristu vezana ramakore rokutanga avo vakatengesa minda nedzimba kuti vape mipiro yemari kukufambisirwa mberi kwechiKristu. Nemhaka yomutsa norupo zvake, akasvika pakuzivikanwa saBharnabhasi, kureva kuti “Mwanakomana wokunyaradza.”—Mabasa 4:34-37.

Fariro yechokwadi yakadaro muna vamwe yave iri chiratidzo chenguva dzose chavanamati vechokwadi vaJehovha. Zvapupu zvaJehovha nhasi hazvina kusiyana, sezvinosimbiswa nechakaitika chinotevera chakabva kuSolomon Islands!

Rimwe boka reZvapupu zvinopfuura 60 zvakabva kuAustralia neNew Zealand rakaenda kuHoniara, dzimbahwe reSolomon Islands riri paGuadalcanal. Zvakauya kuzoyamura nokuvakwa kweHoro Yegungano yokuungana kukuru kwechiKristu. Kwakavatorera dzinenge vhiki mbiri bedzi kuvaka horo inogara vane 1 200!

Panenge panguva imwe cheteyo, zviremera zvomunzvimbomo zvetaundi duku reMunda, pachitsuwa cheNew Georgia, zvakapa ungano yeZvapupu zvaJehovha nzvimbo iri pakati chaipo petaundi. Zvaida kuvaka Horo yoUmambo, nzvimbo yokunamatira. Uye zvakanga zvichiida zvirokwazvo. Zvakanga zvave zvichisangana mukamuri rokutandarira reimba duku yamashizha, asi zvakanga zvisina mari yokushandisa kuvaka Horo yoUmambo.a Ungano yacho yaiumbwa zvikurukuru navakwegura nendonda navana, uye hapana akanga ane ruzivo rokuzviwanira mubasa rokuvaka.

Anenge makiromita 380, pachitsuwa cheGuadalcanal, Zvapupu muguta reHoniara zvakazvipa zvimene nokudisa. (Pisarema 110:3) Zvakarangarira, kuti: “Kana hama dzedu mune dzimwe nyika dzakanga dzichidisa kutivakira Horo Yegungano muvhiki mbiri, ipapo tinogona kuyamura zvirokwazvo hama dzedu muMunda ndokudzivakira Horo yoUmambo muvhiki mbiri.”

Ndizvo zvakaitika. Rimwe zuva igwa rinotakura vanhu rakazadzwa navazvipiri veZvapupu vanofara uye vanodisa rakasvika muMunda. Varume navakadzi, vakuru navaduku, vose vakazvibatikanisa vamene mukuburutsa zvinhu zvavo ndokugadzirira kutanga kuvaka namatanda, simende, mazenge, uye zvimwe zvinhu zvakanga zvasvika muMunda vazvipiri vasati vasvika.

Nokukurumidza pashure pokunge basa ratanga, mabhanan’ana akasimba akadzongonyedza mugove wemvura wetaundi. Zvisinei, ikoku hakuna kubvumikisa kuva chinetso chisingakundiki. Zvapupu zvakachera tsime iro rakagovera mvura mukati mebasa rose rokuvaka. Zvakadiniko nezvokudya zvavashandi vose? Ichocho chakanga chisiriwo chinetso. Vazvipiri vakabva Honiara vakanga vatumidzirwa nezvokudya zvakawanda zvakagoverwa neungano dzeHoniara. Vakatounza vabiki vavo vamene!

Vavakidzani vakacherechedza fambiro mberi yechirongwa chacho nokushamisika. Mumwe wavo akati: “Kazhinji kazhinji zvinhu hazviitiki mumazuvawo zvawo muno. Zvinotora makore.” Mumwe muvakidzani, mutungamiriri worudzidziso, akabvuma kuti chechi yake yakanga yave ichivakwa kwamakore 20 akapfuura uye kuti yakanga isati yapedzwa. Mukupesana, Horo yoUmambo itsva yeZvapupu zvaJehovha muMunda yakapedzwa mumazuva gumi chete!

[Mashoko Omuzasi]

a Imba yamashizha inovakwa nezvinhu zvinotemwa musango kana kuti mudondo. Dandira racho rinogadzirwa nemiti namatanda, uye denga racho namadziro zvinofukidzwa namabhodhi anogadzirwa namashizha emichindwe akamoneredzwa pamiti ndokusonwa nemizambiringa.

[Mepu dziri papeji 24]

(For fully formatted text, see publication)

South Pacific Ocean

SOLOMON ISLANDS

Munda

GUADALCANAL

Honiara

[Mepu]

AUSTRALIA

NEW ZEALAND

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe