“Iyoyo Ndiyo Nzira Iyo vaKristu Vechokwadi Vanofanira Kuzvibata Nayo”
MUBHUKU rake ra 1990 rinonzi Arbeit macht tot—Eine Jugend in Auschwitz (Basa Rinokuuraya—Upwere muAuschwitz), mupukunyuki weAuschwitz Tibor Wohl anobvumikisa kurukurirano yaakangonzwawo zvake pakati pavasungwa vaviri. Mumwe wacho, wokuAustria, akataura kuva “asingatendi.” Bva, akarumbidza vasungwa vaipfeka chiratidzo chine mativi matatu chepepuru—Vadzidzi veBhaibheri, sokudaidzwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha mumusasa.
“Havaendi kuhondo,” akadaro wokuAustria kushamwari yake. “Vangaisva havo vaurawa pane kuuraya munhu upi noupiwo zvake. Mumurangariro wangu iyoyo ndiyo nzira iyo vaKristu vechokwadi vanofanira kuzvibata nayo. Ndinofanira kukuudzai pamusoro pechakaitika chinofadza zvikuru chandakava nacho navo. Takanga tiri pamwe chete navose vari vaviri vaJudha naVadzidzi veBhaibheri muchivako chimwe mumusasa weStutthof. Mumazuva iwayo Vadzidzi veBhaibheri vaifanira kuita basa rakaoma, muchando chinorwadza. Taisagona kunzwisisa kuti vaipona sei. Vakati Jehovha akavapa simba. Vaida chingwa chavo zvikuru, sezvo vakanga vavakuziya nenzara. Asi chii chavakaita? Vakaunganidza zvingwa zvose zvavaiva nazvo, vakatora hafu yazvo ndokupa imwe hafu kuhama dzavo, hama dzavo dzomudzimu, idzo dzakauya dzichida kudya zvikuru dzichibva kumimwe misasa. Uye vakadzigamuchira ndokudzitsvoda. Vasati vadya, vakanyengetera, uye pashure pacho zviso zvavo zvakapenya nomufaro. Vakataura kuti hapana munhu akanga ane nzarazve. Naizvozvo, unoona, ipapo ndakafunga, ‘Ava ndivo vaKristu vechokwadi.’ Iyoyo ndiyo yakanga iri nzira iyo ndaigarofungidzira kuti vanofanira kuva. Kwaizova kuri kwakaisvonaka sei kupa shamwari dziri kuziya nenzara kugamuchira kwakadaro muno muAuschwitz!”