RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 11/1 p. 32
  • Nei Vakaipa Vachibudirira?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vakaipa Vachibudirira?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 11/1 p. 32

Nei Vakaipa Vachibudirira?

“VAKAIPA vanoraramireiko?” Uyu mubvunzo wakabvunzwa kare kare naJobho akatendeka, uye wakadzokororwa kakawanda chibviro chezuva rake. Sezvingabvira uri mundangariro dzavanhu vakawanda vari mundima yeyaichimbova Yugoslavia (vakadai somukadzi anoratidzwa pabutiro redu) avo vanochema avo vakatambura muhondo ine ngwavaira. Neiko vanhu vakaipa vachipukunyuka uye kunyange kubudirira? Sokutaura kwakaita Jobho, kazhinji kazhinji “dzimba dzavo dzino rugare, hadzityiswi, uye shamhu yaMwari haigari ichivarova.”—Jobho 21:7, 9.

Ikoku kunoreva kuti kubatira Mwari, kuda muvakidzani wako, uye kurega kuita zvakashata hazvikoshi here? Nyangwe! Bhaibheri rinotipa murangariro wakarurama apo rinoti: “Usavavarira kupfuura vaiti vezvakaipa kana kuti kutevedzera avo vanoita zvisina kururama. Nokuti kufanana nouswa vanokurumidza kusvava, uye vanooma sezvakasvibira zvechirimo. Vimba naISHE ndokuita zvakanaka.”—Pisarema 37:1-3, The New English Bible.

Hungu, runoratidzika kuva rubudiriro rwavakaipa ndorwechinguvana chete. Kutaura idi, upenyu hwavo hupfupi zvikuru, nepo avo vanobatira Mwari vane tariro ine mbiri yenguva yemberi. Nokukurumidza, chipikirwa chaMwari chichazadzikwa: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Vakarurama bedzi, kwete vakaipa, vachaona nguva iyoyo. Ikurudziro yakadini yokuswedera pedyo naMwari ndokudzidza kuita kuda kwake, pasinei hapo nokuti avo vakatipoteredza vangava vakaipa sei!

Kana ungagamuchira mamwe mashoko kana kuti kana ungada kuti mumwe munhu ashanye kuzokuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakafanira yakarongwa papeji 2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe