RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 11/1 p. 22
  • Kutenda Kwoushingi Kwehama Dzedu dzeRwanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Kwoushingi Kwehama Dzedu dzeRwanda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 11/1 p. 22

Kutenda Kwoushingi Kwehama Dzedu dzeRwanda

PAKUVAMBA muna 1994 nyika yakakatyamadzwa sezvo mishumo yokuuraya kukuru yakabuda ichibva munyika yeAfrica yeRwanda. Hondo yavagari vemo ine utsinye yakanga yatanga—mugumo wamazana amakore oruvengo.

Zvatarisana nokupunzika kwakakwana kwomutemo nenhevedzano, Zvapupu zvaJehovha 2 000 nezvinopfuura muRwanda zvakamanikidzirwa kutiza nokuda kwoupenyu hwazvo. Zvinenge 1 300 zvakawana pokupotera mumisasa yavapoteri muZaire neTanzania zviri pedyo, asi zvimwe hazvina kukwanisa kupukunyuka munguva yakafanira. Tinosuruvariswa kushuma kuti vanodokusvika 400 vehama dzedu nehanzvadzi—vose vari vaviri vakuru navana, vose vasiri varwi chokwadika—vakaparara mumasimba masimba oupengo. VaKristu munyika yose vanochema kurasikirwa naava vachengeti veperero vane ushingi ndokunyaradzwa nechipikirwa cheBhaibheri chorumuko.—Johane 11:25.

Hama nehanzvadzi dzakapukunyuka dzeRwanda dzakararama sei? Vakuru vakatumwa vachibva kunyika dzakati kundoongorora zvinhu nenzira yakananga. Mushumo mumwe wakataura kuti hama dzeRwanda dzakatarisana namamirire ezvinhu “nechiremera chikuru noushingi.” Somuenzaniso, chimwe chezvikumbiro zvokutanga icho hama dzakaita chakanga chiri chamabhuku eBhaibheri. ‘Dzinoratidzika kuva dzinoitira hanya zvikuru kugamuchira zvokudya zvomudzimu kupfuura betsero yokunyama, kunyange zvadzo dzichishayiwa zvikuru zvinhu zvakawanda,’ mushumo wacho unogumisa kudaro. Uye kunyange zvazvo mamirire ezvinhu mumisasa akaipa, ‘rutivi rwakachena zvikurusa ndeumo hama dzedu dzinogara.’

Watch Tower Society yakaita kuti mari iwanike yokutengwa kwezvokudya, magumbeza, zvipfeko, shangu, uye mishonga. Hama dzedu muFrance dzakapa norupo, uye pakasvika kuvamba kwaJune, anodokuva matani maviri ezvinhu akanga atumirwa kuhama dzedu dzinoshayiwa dzeRwanda.

Nenzira isingashamisi, aya mamirire ezvinhu akaguma nouchapupu hwakaisvonaka. Vacherechedzi vakaororwa neidi rokuti hama dzedu dzeRwanda dzakagamuchira betsero yakadaro netsigiro zvakabva kuZvapupu biyadzo, uye kwakabvira kugoverana iyi betsero navamwe. Vamwe vakatsinhira kuti Zvapupu ndizvo bedzi mumisasa zvakashanyirwa nemitezo yorudzidziso rwazvo!

Mamirire ezvinhu ehama dzedu dzeRwanda anotiyeuchidza kuti muano “mazuva okupedzisira,” vanhu vachava “vanotyisa” uye “vane masimba masimba.” (2 Timotio 3:1-5; Today’s English Version) Uye nepo Jehovha asingapikiri vanhu vake dziviriro inoshamisa mungozi dzomuviri, anopikira kutaviridza umudzimu hwavo noukama naye uye, mukati mokutonga kweMireniyumu kwaKristu, kumutsa avo zvino vanoparara. (Pisarema 91:1-10) Minyengetero yedu yokuti Jehovha atsigire ndokubetsera hama dzedu mhenyu dzeRwanda mukati meiyi nguva inotambudza ngaipfuurire kupiwa nokuda kwadzo.—Pisarema 46:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe