RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 9/15 p. 32
  • “Midzi Isingagoni Kudzurwa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Midzi Isingagoni Kudzurwa”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 9/15 p. 32

“Midzi Isingagoni Kudzurwa”

PAKATI pezvinhu zvipenyu zvikurusa nezvagarisa zvenyika misequoia yeCalifornia. Izvi zvinoshamisa zvirefu zvakareba mamita 90 pakukura uye zvinogona kugara makore anopfuura 3 000.

Kunyange zvazvo kuona musequoia kuchityisa, midzi yawo isingaoneki inoorora zvakaenzana. Musequoia une nzvimbo yakati sandarara yemidzi ingafukidza nharaunda yakakura samahekita 1,2 kusvikira ku 1,6. Iyi midzi mihombe inogovera chitsigiso chakasimba apo kunenge kune mafashamo kana mhepo dzine simba. Kunotova kunobvirira musequoia kutsungirira kudengenyeka kwapasi kune simba!

Mambo Soromoni akasarudza midzi yakasimba yomuti somufananidzo muchimwe chezvirevo zvake. “Hakuna munhu anogona kuzvisimbisa amene nouipi,” iye akadaro, “asi vanhu vakanaka vane midzi isingagoni kudzurwa.” (Zvirevo 12:3, The New English Bible) Hungu, vakaipa vari pavhu risina kusimba. Budiriro ipi neipi yavangaratidzika kuva vanowana inongova zvayo yechinguvana, nokuti Jehovha anopikira kuti “kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.”—Zvirevo 10:28.

Iyi inyevero nokuda kwaavo vanotaura kuva vaKristu, nokuti Jesu akataura kuti vamwe vaizova vasi“no mudzi” mavari vamene uye vaizogumbuka. (Mateo 13:21) Kupfuurirazve, muapostora Pauro akanyora pamusoro pavanhu vaizo“dzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa” kwenhema. (VaEfeso 4:14) Ikoku kunogona sei kudziviswa?

Sezvo midzi yomusequoia ichipararira zvikuru muvhu rinopa zvokudya rapasi, naizvozvo ndangariro dzedu nemwoyo zvinofanira kunzvera zvikuru Shoko raMwari ndokutora mvura dzaro dzinopa upenyu. Ikoku kuchatibetsera kutanga kutenda kwakasimba zvikuru. Chokwadika, tichanzwa kutapura kwemiedzo yakasimba. Tingatozununguka, kufanana nomuti, mukutarisana nenhamo. Asi kana kutenda kwedu kwakasimba zvikuru, tichabvumikisa kuva tine “midzi isingagoni kudzurwa.”—Enzanisa naVaHebheru 6:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe