Inguvai Yemberi Iripo nokuda Kwavaduku Vedu?
TYISIDZIRO yenyukireya—kana ichibva mumabhomba amagandanga kana kuti mutsaona panzvimbo dzenyukireya—inotyisidzira vose. Ungasanonetseka zvikurukuru pamusoro pavaduku, kubatanidza vana vako umene kana kuti vazukuru. Kunosuruvarisa sei kuziva kuti tyisidziro yenyukireya inopinza mungozi utano uye nguva yemberi zvomwana upi noupi.
Asi usaodzwa mwoyo. Pane chikonzero chokuti uve netariro pamusoro penguva yemberi yavaduku. Hwaro hwetariro hwakavakirwa, kwete panhamburiko dzomunhu dzokudzivirira vaduku vedu, asi panguva yemberi iri mumaoko oMusiki wedu.
Apo Mwanakomana waMwari, Jesu, akadzidzisa muMiddle East, akaratidzira kuitira hanya vaduku. (Marko 9:36, 37, 42; 10:13-16) Bhaibheri rinoratidza kuti itiro hanya yakafanana icharatidzirwa apo Mwari achagumisa pakupedzisira tyisidziro yenyukireya ndokutanga paradhiso yenyika yose. Vaduku vedu vanogona kufarikanya ikoko, uye iwe unogonawo.
Kana ungagamuchira mamwe mashoko kana kuti kana ungada kuti mumwe munhu ashanye kuzokuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera kuWatch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakafanira yakarongwa papeji 2.