Vazivisi voUmambo Vanoshuma
“Muenzaniso Kumudzimu Webatira Pamwe”
PEDYO nomugumo wokumaodzanyemba zvikurusa kweSpain kwakamira ibwe hombe relimestone rinozivikanwa seRock of Gibraltar. Kwamazana amakore, iri ibwe rave riri chapupu chakanyarara kugakava rezvamatongerwe enyika nokusabvumirana kwamarudzi ose. Mukupesana, Rock of Gibraltar misi ichangobva kupfuura iyi rakanga riri seri kweratidzirwo yebatira pamwe nechinzwano zvisingawanzoonwa munyika nhasi.
Makiromita matatu chete kubva kuRock racho kune taundi reLa Línea, yeSpain. Ikoko kuvakwa kweHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha kwakaunganidza mazana avashandi vanozvipira vaidisa kupa nguva yavo nesimba. Sezvo vakashanda kuti vavake nzvimbo yakakodzera yokunamatwa kwoMusiki, Jehovha Mwari, kunyange seri kwakaisvonaka kweRock of Gibraltar kwakanyangarika muukoshi pakuenzaniswa nebasa raivapo.
Vazivisi voUmambo murutivi irworwo rwenyika vanotumira mushumo unotevera:
“Vazvipiri vane mbavarira vane mazana mapfumbamwe vakashanda usiku namasikati, kutanga masikati eChishanu, September 24, 1993. Pakasvika nguva yechinomwe pamangwanani eSvondo, chiratidzo chitsva chinozivisa chivako chacho seHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha chakanga chamiswa, uye chivako chitsva chinokwezva chakanga chichishandiswa nokuda kwomusangano wacho wokutanga umene wavose.
“Zvapupu zvakawanda zvakabva kuGibraltar iri pedyo zvakayambuka muganhu kuzobetsera hama dzazvo dzechiSpain. ‘Kuparadzana kwezvamatongerwe enyika hakuderedzi uhama hwedu hwamarudzi ose,’ akatsanangura kudaro mumwe wavashandi vanozvipira, mugari akaberekerwamo weGibraltar. Iye akawedzera, kuti: ‘Makore anoverengeka apfuura, shamwari dzakabva La Línea dzakauya kuzotibetsera kuvaka Horo yedu yoUmambo muGibraltar, naizvozvo zvino tinofara kuitawo mutsa.’
“Kuwedzera nhamburiko dzorupo dzeungano mbiri dzeZvapupu zvaJehovha namazana avabetseri vane unyanzvi vakabva kunharaunda yeAndalusia, guta reLa Línea rakasarudza kupa chikamu chiri madikanwa chenzvimbo. ‘Mukuwirirana negamuchidzanwa, zviremera zvomunzvimbomo zvechiSpain nguva dzose zvakagovera nzvimbo yokuvakwa kwechechi dzeKaturike,’ akatsanangura kudaro meya weLa Línea mukati meshanyo kunzvimbo yokuvaka. ‘Kuregerereiko kuita zvimwe chetezvo nokuda kwamamwe masangano orudzidziso? Ndinoororwa zvikuru nokusava noudyire kwavazvipiri, uye ndinorangarira kuti vakafanirwa netsigiro yedu. Tinoda wakawanda wourwu rudzi rwomudzimu munyika yanhasi yakakamurwa.’
“Iye akanongedzera kuHoro yoUmambo so‘Muenzaniso kumudzimu webatira pamwe.’ Zvamazvirokwazvo, rutivi runoorora zvikurusa wakanga usati uri mugadzirirwo kana kuti ukuru hwechivako chacho. Panzvimbo pezvo, chakaorora vakawanda munzanga rakanga riri idi rokuti yakavakwa chose chose navazvipiri uye yakavakwa mumaawa 48 bedzi!”
Kuri pachena kuti Zvapupu zvaJehovha muLa Línea nenharaunda dzayo dzakapoteredza zviri kubvumikisa kuva zvakatendeka kumashoko aVaGaratia 6:10. Imomo muapostora Pauro akapa zano vatendi biyake, kuti: “Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.”