Kuchengeta Mazuva Okuberekwa Kwakasiya Muuyo Worufu
KUCHENGETWA kwamazuva okuberekwa kunorangarirwa navanhu vakawanda nhasi setsikawo zvayo isina mhaka. Asi Bhaibheri haripi chiono chokutendera iri gamuchidzanwa. Kutanga, Magwaro haana chiratidzo chokuti upi kana upi wavabatiri vakatendeka vaMwari akachengeta mazuva okuberekwa.
Mazuva okuberekwa maviri bedzi Bhaibheri rinodudza akanga ari avatongi avo vakanga vari vavengi vaMwari. Kuchengeta kumwe nokumwe kwakabatanidza kuuraya, kuitira kuti vaenzi vagofarira rufu rwouyo akanga atsamwisa mambo. Muchinoitika chokutanga, Farao, mambo weEgipita, akauraya mubiki wake mukuru. (Genesi 40:2, 3, 20, 22) Mutongi weEgipita akaita saizvozvo mukati mamadyo nemhaka yokuti akanga ashatirirwa mubatiri wake. Muchinoitika chechipiri, Herodhe, mutongi aiva noutere weGarirea, akagura musoro waJohane Mubhapatidzi kuti afadze musikana ane kutamba pamutambo wacho kwakanga kwamufadza. Zviono zvinonyangadza zvakadini!—Mateo 14:6-11.
Bva Bhaibheri harina here kunangidzira ngwariro pamazuva okuberekwa maviri echienzi? Kwete chizvoizvo. Wezvenhau wechiJudha wakare Josephus anozivisa kuti zvinoitika izvi zvakanga zvisiri zvechienzi. Anonyora zvimwe zvinoitika zvomuitiro wokuuraya pamazuva okuberekwa nokuda kwevaraidzo.
Somuenzaniso, kumwe kwakaitika pashure poruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V., apo vaJudha 1 000 000 vakaparara uye 97 000 vakapukunyuka kuti vatorwe savasungwa. Vari munzira kuenda Roma, mutungamiriri wehondo weRoma Titus akaendesa nhapwa dzake dzechiJudha kuchiteshi chengarava chaiva pedyo cheKesaria.
Josephus anonyora, kuti: “Apo Titus akasara muKesaria, akachengeta zuva rokuberekwa ramukoma wake Domitian nembiri huru, achiuraya vasungwa vanopfuura 2 500 mumitambo nezvikara namarimi. Pashure paikoku akaenda kuBerytus [Beirut], koroni yeRoma muFenikia, uko akachengeta zuva rokuberekwa rababa vake kupfurikidza nokuuraya vamwe vasungwa vakawanda pakuratidzira kwakasanogadzirirwa.”—The Jewish War, VII, 37, rakashandurwa naPaul L. Maier muJosephus: The Essential Writings.
Hakushamisi kuti The Imperial Bible-Dictionary inotsinhira, kuti: “VaHebheru vapashure vairangarira kuchengetwa kwamazuva okuberekwa sorutivi rwokunamata zvifananidzo, murangariro waitsigirwa zvikuru nezvavaiona zvokuchengeta kwavose kunobatanidzwa naaya mazuva.”
VaKristu vakatendeka vomuzana rokutanga ramakore vaisazonzwa vachida kukumbanira mutsika inoratidzirwa zvakashata muBhaibheri uye inochengetwa nenzira inonyangadza kwazvo navaRoma. Nhasi, vaKristu vapachokwadi vanoziva kuti nhauro dzeBhaibheri pamusoro pamazuva okuberekwa dzaiva pakati pezvinhu zvakanyorwa nokuda kwomurairidzo wavo. (VaRoma 15:4) Vanodzivisa kuchengeta mazuva okuberekwa nemhaka yokuti kuchengeta kwakadaro kunopa ukoshi husina kufanira pamunhu. Chinokosha zvikuru, vabatiri vaJehovha vanorangarira nokuchenjera kupiwa kwakashata kwamazuva okuberekwa muBhaibheri.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Nhandare paKesaria