Vadiwa Vako Vakafa—Vari Kupi?
ALEC akakangaidzwa. Mukati mevhiki imwe, iye akarasikirwa nembiri dzeshamwari dzake. Imwe yadzo, Nevil, yakafa neronda repfuti. Imwe yacho, Tony, yakaurawa mutsaona yemotokari. Mibvunzo yakanga isina kumunetsa kare zvino yakatambudza mukomana weSouth Africa ane makore 14 okukura. ‘Neiko vanhu vachifanira kufa? Uye chii chinoitika pashure porufu?’ iye akashamisika.
Achienda kumariro aNevil, Alec aikarira zvapachokwadi kuti aizowana mhinduro kuiyi mibvunzo. “Asi,” iye anoyeuka kudaro, “muprista akangorava chete mubhuku ndokutaura kuti Nevil akanga aenda kudenga. Ipapo, paguva, iye akati tinomirira rumuko. Ndakavhiringidzika. Kana Nevil akanga ari mudenga, aigona sei kuva ari kumirira rumuko?”
Gare gare zuva rimwe chetero, Alec akapinda mariro aTony. Munamato womuitiro wakaitwa mumutauro uyo iye aisagona kunzwisisa. Bva, mufambiro woupengo wavachemi wakapwisa Alec kuti hapana nyaradzo yakapiwa. “Usiku ihwohwo,” anotsanangura kudaro, “ndakavhiringidzika zvinotyisa. Ndakanzwa ndisina betsero uye ndakangaidzwa. Hakuna munhu aigona kupa mhinduro dzinogutsa kumibvunzo yangu. Kwenguva yokutanga muupenyu hwangu, ndakashamisika chaizvoizvo kana kuna Mwari.”
Gore rimwe nerimwe mamirioni, kufanana naAlec, anorasikirwa navadiwa murufu. “Munyika yose,” inotsanangura kudaro 1992 Britannica Book of the Year, “maiva nenzufu 50 418 000 muna 1991.” Uye ndimamwe mamirioni akawanda sei akafa chifo chenguva iyeyo? Fungidzira misodzi yakawanda yakabudiswa navakafirwa vanosiyiwa! Inowedzera kurusuruvaro rwavo inyongano inoparirwa nemirangariro inorwisana pamusoro porufu.
Nokudaro vakawanda, kufanana naAlec, vanoodzwa mwoyo ndokupanikira kana pane hwaro hupi nohupi hwetariro muupenyu hwomunguva yemberi pashure porufu. Mukuwirirana neEncyclopedia of Religions, “mumazera ose, vanhu vanofunga vakaparadzana nevoruzhinji, . . . vachipanikira kuti mweya womunhu kana kuti upenyu hunogona sei kuvapo husina uropi hwomunhu nomuviri.”
Nenzira inofadza, enisaikoropidhiya iri pamusoro apa inobvuma kuti rondedzero yorudzidziso yomweya usingafi unovapo wakaparadzana nomuviri haitsigirwi muBhaibheri. Chokwadi, munzvimbo shomanene, Bhaibheri rinonongedzera ku“mweya” womunhu sounosiya uye kunyange kudzokera kumuviri wakafa, asi muzvinoitika izvozvi “mweya” unoshandiswa mupfungwa yo“upenyu,” hwakarasika kana kuti hwakawanwazve. (Genesi 35:16-19; 1 Madzimambo 17:17-23) Kazhinji kazhinji zvikuru, shoko rokuti “mweya” rinoshandiswa muBhaibheri kurondedzera zvisikwa zvinooneka zvenyama neropa, hungu, zvisikwa zvipenyu. (Genesi 1:20; 2:7) Nokudaro, Bhaibheri rinotaura rataurazve kuti mweya inofa. (Ezekieri 18:4, 20; Mabasa 3:23; Zvakazarurwa 16:3) Shoko raMwari rinotaura kuti kana mweya yangofa bedzi, iyo “haina chainotongoziva.”—Muparidzi 9:5, 10.
Pane rumwe rutivi, Bhaibheri rine nhauro dzavanhu vakafa vanodzorerwa kuupenyu. Muchinoitika chaRazaro, ikoku kwakaitika pashure pokunge akanga ave akafa kwamazuva mana. (Johane 11:39, 43, 44) Chii, kunyanguvezvo, chichaitika kuvanhu vakafa mazana kana kuti zviuru zvamakore zvapfuura? Kariro yavo youpenyu hwomunguva yemberi inoda kuti Mwari amutse muviri mumwe chetewo uyo vaiva navo apo vakafa here?
Aiwa. Mufungo wakadaro hauwirirani nechinoitika kumaatomu anoumba muviri wakafa. Pashure penguva yakati, mamwe amaatomu mamwe chetewa anotorwa nemiti iyowo inodyiwa nezvimwe zvisikwa ndokuva rutivi rwemiviri yazvo.
Ikoku kunoreva here kuti hakuna tariro yavanhu vakafa kare? Aiwa. Musiki wechisiko chedu chose chikuru ane yeuko inotyisa, isina kuganhurirwa. Mukati meyeuko yake yakakwana, iye ane simba rokuchengeta hunhu namavara enhaka omunhu upi noupi akafa waanosarudza kuyeuka. Uyezve, Jehovha Mwari ane simba rokusikazve muviri womunhu une zvenhaka chaizvoizvo zvomunhu akararama kare. Anogonawo kuisa mukati mazvo yeuko nohunhu zvomunhu uyo iye anoyeuka, zvakadai saAbrahama.
Anodokusvika makore ane zviuru zviviri pashure porufu rwaAbrahama, Jesu Kristu akapa ichi chipikirwa: “Naiye Mosesiwo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswazve, paakati Ishe ndiye Mwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho. Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.” (Ruka 20:37, 38) Kunze kwaAbrahama, Isaka, uye Jakobho, mamirioni avamwe vanhu vakafa mapenyu muyeuko yaMwari, achimirira rumuko runouya. “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama,” Bhaibheri rinosimbisa kudaro.—Mabasa 24:15.
Mavhiki mashomanene pashure pokufirwa kwake, Alec akawana mhinduro kumibvunzo yake. Mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanyira musha wake ndokumuratidza icho Shoko raMwari rinotaura pamusoro porufu uye pamusoro porumuko. Ikoku kwakanyaradza Alec ndokuunza revo itsva kuupenyu hwake.
Iwewo ungada kudzidza zvakawanda pamusoro petariro yakavakirwa paBhaibheri yorumuko here? Somuenzaniso, rumuko rwakawanda zvikurusa ruchaitika mudenga kana kuti pasi pano here? Uye chii chinofanira kuita munhu kuti awane tendero yaMwari ndokuwana zadziko yechipikirwa Chake chinoshamisa chokuti vanhu vangabatanidzwazve navakafa vanodiwa?