Usiku Hwokuyeuka
PAMUSI unokosha anopfuura makore 3 500 akapfuura, Jehovha Mwari akaita kuti vaIsraeri vakaiswa muuranda vauraye gwaiana ndokusasa ropa raro pamagwatidziro amasuo nemazvivivo zvedzimba dzavo. Usiku ihwohwo humene, ngirozi yaMwari yakapfuura dzimba dzakaratidzirwa neiyi nzira asi yakauraya vanakomana matangwe mumisha yavaEgipita vose. Ipapo vaIsraeri vakasunungurwa. Chifo chenguva iyoyo, pakuchengetwa kwegore negore kwechinoitika ichocho, vaJudha vakachengeta Paseka.
Nokukurumidza pashure pokunge Jesu Kristu apedza kuchengeta Paseka yake yokupedzisira ane vaapostora vake, akatanga chidyo chaizoyeuchidza rufu rwake rwechibairo. Akapa vaapostora vake vakatendeka chingwa ndokuti: “Torai, mudye; ichi ndiwo muviri wangu.” Ipapo akavapa mukombe wewaini ndokuti: “Inwai mose pauri. Nokuti ichi iropa rangu resungano itsva, rakadururirwa vazhinji kuti vakanganwirwe zvivi.” Jesu akatiwo: “Itai izvi, mugondirangarira.” (Mateo 26:26-28; Ruka 22:19, 20) Naizvozvo Jesu akaraira vateveri vake kuita uku kuchengetwa kworufu rwake.
Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka nenzira youshamwari kuti uzvikumbanire mukuchengeta ichi Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Unogona kupinda paHoro yoUmambo iri pedyosa nomusha wako. Nzvera neZvapupu zviri munharaunda yenyu nokuda kwenguva chaiyoiyo nenzvimbo. Musi wokuchengeta muna 1994 Chitanhatu, March 26, chingwa newaini zvichiva zvinogoverwa pashure pokunyura kwezuva.