RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/15 p. 32
  • Kufanana naMaapuro Endarama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufanana naMaapuro Endarama
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/15 p. 32

Kufanana naMaapuro Endarama

MAAPURO—mafadzire aanoita zvose zviri zviviri ziso nomukanwa! Bhaibheri rinoshandisa uyu muchero unonaka mukuenzanisa kunonyandura mufungo apo rinoti: “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana na[maapuro, NW] endarama mumidziyo yesirvheri.” (Zvirevo 25:11) Chii chinorehwa nouku kutaura?

“[Maapuro, NW] endarama mumidziyo yesirvheri” kungaratidzira chivezwa, zvakadai setureya yakavezwa yesirivha ine michero yendarama mairi. Sezvo ndima dzapakuvamba muiyi ganhuro dzichidudza kusvika kuna mambo Zvi 25:2, 3, 5, 6, iyi ndima ingagona kunongedzera kuzvipo zvinopiwa kumutongi—zvishongo zvendarama muchimiro chamaapuro akaiswa mumatureya esirivha. (Zvirevo 25:6, 7) Akaisvonaka zvinoorora, zvamazvirokwazvo!

Mune runako rwakafanana rwuri mumashoko akafanira, ane chiremera, akakodzera nguva, angave akanyorwa kana kuti kutaurwa. Anofadza, anokurudzira, uye anobetsera munzira dzakawanda. Zviri mukati meBhaibheri zvakafuridzirwa nenzira youmwari zvakafanana zvikuru na“[maapuro, NW] endarama mumidziyo yesirvheri.”

Sezvinoratidzirwa nokutaura kwokuchenjera kwaMambo Soromoni kuri pana Zvirevo 25:11, “akatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomwoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.” (Muparidzi 12:10; Zvirevo 25:1) Mazana amakore gare gare, muapostora wechiKristu Pauro akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera.” (2 Timotio 3:16) Hungu, Bhaibheri rine zano rinobetsera, uporofita, rondedzero dzakajeka, uye zvokwadi dzouchenjeri hwakadaro norunako zvokuti zvinopfuura zvikuru mabasa enyanzvi dzakanakisisa. Uyezve, munhu upi noupi anowana uchenjeri hunobva muShoko raMwari, Bhaibheri, anowana chinhu chinokosha uye anogona kuva nekariro youpenyu husingagumi.—Zvirevo 4:7-9; Johane 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe