Anogona Kukubetsera Here?
MAGAZINI yaunayo muruoko rwako yakarongedzerwa kuva manyuko ekurudziro, ichidanira kundangariro nhungamiro dzeBhaibheri dzokuteramisa mhuri nokuchengeta perero yomunhu oga. Inoratidza kuti nguva dzanhasi dzinotambudzwa dzakadeya kutaurwa muBhaibheri, uye inosimbisa mhinduro—hurumende yoUmambo yaMwari. Unogona kubetserwa neNharireyomurindi uye naMukai!, magazini biyayo here?
KuPhilippines mumwe mukadzi anonzi Vilma akanyora, kuti: “Kana pane shoko ripi neripi rokurondedzera naro zvinyorwa zvenyu, ndinofunga kuti ndaizosarudza ‘zvinoshamisa.’ Ndakaona ndokurava kwenguva yokutanga Mukai! wenyu neNharireyomurindi apo ndakanga ndiri mubhazi ndichidzokera kumusha ndichibva kuManila. Ndinowanzotakura mapepanhau apo ndinofamba, asi nguva ino handina kutakura api naapi.
“Akanga agere pedyo neni parwendo akanga ari mumwe murume wezera rapakati uyo akanga ane zvinyorwa zvenyu. Pashure pokunge arava Mukai!, akabudisa imwe magazini, Nharireyomurindi. Ndakawana banza rokukumbira Mukai! Zvirokwazvo, ndakafarikanya chaizvoizvo kurava magazini iwayo nemhaka yokuti nyaya dzacho dzose dzakanga dzichifadza, dzakakodzera nguva, uye dzichirairidza.”
Mukadzi wacho akagumisa, kuti: “Ndinoda kugamuchira magazini enyu. Ndapota ndizivisei kuti ndinogona sei kuagamuchira.” Hofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha muPhilippines yakafara kubetsera kupfurikidza nokuwedzera uyu mukadzi kundaza yavo yokutumira.