RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 12/15 p. 32
  • Hasha Dzangu kana kuti Utano Hwangu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hasha Dzangu kana kuti Utano Hwangu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 12/15 p. 32

Hasha Dzangu kana kuti Utano Hwangu Here?

NDIANI asingashatirwi? Kunoitika kwatiri tose. Padzimwe nguva mwero wakati wehasha ungaruramiswa. Asi, nenzira yokutendeseka, hakusati kuri kwechokwadi here kuti kazhinji kazhinji hasha dzedu (kana kuti ukuru hwadzo) hadzisati dzichiruramiswa?

Bhaibheri rinotiudza, kuti: “Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) Zano rakadaro nderokuchenjera sei? Ringagona kutapura utano hwako hwenhambo yakareba here?

Muchikamu chayo che“Health,” The New York Times yakati:

“Vanhu avo kazhinji kazhinji vanoratidzira hasha kana kuti kushatirwa pamusoro poruzvidzo rwuri rwose runoonwa vangave vari kuita zvinopfuura kuzviita vamene vasingafadzi. Vangave vari kuzviuraya vamene.

“Vanzveri vakaunganidza mashoko akawanda misi ichangobva kupfuura vanokarakadza kuti kushatirwa kwenguva refu kunokuvadza kwazvo muviri zvokuti kwakaenzana, kana kuti kutopfuura, kusvuta mudzanga, zvokudya zvine mafuta akawanda kana kuti zvakakora sechinhu chine simba chengozi nokuda kworufu rwokukurumidza.

“‘Fundo dzedu dzinoratidzira kuti kushatirwa kwoutsinye, kwokunyumwira kwakaenzana neimwe ngozi ipi neipi youtano yatinoziva pamusoro payo,’ akadaro Dr. Redford Williams, munzveri mumishonga yomufambiro paDuke University Medical Center.”

Fundo dzinoratidzira kuti avo vanonyanyoita chiito kuzvinetso zvinozivikanwa navose muupenyu hwezuva riri rose vanoparira mahormone akawanda enhamo. Kushatirwa kwavo kazhinji kazhinji kunogona kuparira kusadzikama pakati pezvimiro zvinodzivirira nezvinokuvadza zvecholesterol, zvichivaisa mungozi yehosha yecardiovascular.

Vamwe vangapindura kuti, ‘Asi ndizvo chaizvo zvandiri’ kana kuti, ‘Ndiwo makurire andakaita.’ Kunyanguvezvo, ikoko hakusati kuchireva kuti haugoni kuchinja, kupfurikidza nokuedza zvapachokwadi kushandisa zano raMwari. MuBhaibheri rako umene, nzvera zano rake pamusoro pokutsamwa neshungu rakanyorwa pana Zvirevo 14:29, 30; 22:24, 25; VaEfeso 4:26; Jakobho 1:19, 20.

Kushandisa uchenjeri ihwohwo hwoumwari kungavandudza utano hwako ndokurebesa upenyu hwako. Times yakati: “Vanzveri vakawanda vakati vanhu vanokurumidza kutsamwa vangagona kuderedza ngozi yokukurumidza kufa kupfurikidza nokuchinja mhinduro dzokusafunga, dzoutsinye.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe