RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 11/15 p. 32
  • Kufanana Nomuti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufanana Nomuti
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 11/15 p. 32

Kufanana Nomuti

“NHETEMBO dzinoitwa namapenzi akafanana neni, asi Mwari bedzi anogona kuita muti.” Achirumbidza runako ruzhinji rwemiti, mudetembedzi Joyce Kilmer nokudaro akapa Mwari rumbidzo nokuda kwokusikwa kwayo.

Jehovha Mwari akaita miti yemhatsa huru, kuisvonaka, uye kubetsera. Miti miduku nemikuru zvakafanana, inogona kuva yakaisvonaka kwazvo zvokuti hairondedzereki. Uyezve, miti inogovera zvokudya, huni, uye pokugara. Uye vagadziri vanoramba vachiwana kushandiswa kutsva kwemiti.

MuBhaibheri, miti pane dzimwe nguva inoshandiswa nenzira yokufananidzira kumirira umambo, vatongi, uye vanhu vamwe navamwe. (Ezekieri 31:1-18; Dhanieri 4:10-26) Miti inodudzwa mubatano nemigariro inofadza, ine rugare, uye inobudirira inobva mukubata ushe hwaJehovha nokudzorerwa kwavanhu vake. (1 Makoronike 16:33; Isaya 55:12; Ezekieri 34:27; 36:30) Magwaro anopikirawo kuti mazuva avanhu vaMwari achava akafanana naayo omuti. (Isaya 65:22) Ikoku kune revo huru apo tinoziva kuti mimwe miti inogara kwamazana amakore.

Wezvamapisarema weBhaibheri akataura kuti munhu anofarira mutemo waMwari “uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” Muti unokura zvakanaka wakasimwa pedyo namanyuko emvura zhinji wakayeuchidza wezvamapisarema nezvebudiriro yomudzimu inofarikanywa nouyo “anofarira murairo waJehovha.” (Pisarema 1:1-3) Kana ukafarira zvapachokwadi mutemo waMwari neShoko Rinoyera, mazuva ako anogona kuva akafanana naayo omuti. Kutaura idi, kupfurikidza nokuita mutsinhirano nezivo yakarurama yaJehovha Mwari naJesu Kristu, unogona kuva netariro youpenyu husingaperi.—Johane 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe