RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 10/15 p. 32
  • Kuisirwa Ropa Kunonyanyokosheswa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuisirwa Ropa Kunonyanyokosheswa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 10/15 p. 32

Kuisirwa Ropa Kunonyanyokosheswa Here?

Kuisirwa ropa kunozivikanwa navose mukurapa kwazvino uno, asi kwakanaka somukurumbira wako here? Unofungeiko?

MuThe American Journal of Medicine (February 1993), Dr. Craig S. Kitchens akabvunza, kuti: “Kuisirwa Ropa Kunonyanyokosheswa Here?” Iye akataura kuti vanachiremba kazhinji kazhinji vanosanorangarira kana betsero yokurapa ichipfuura ngozi yaingaunza. Zvakadiniko nokuisirwa ropa?

Kitchens akahwirudzura ufakazi hwemisi ichangobva kupfuura hwengozi dzakawanda dzakabatanidzwa nokuisirwa ropa, dzakadai sechirwere chokuzvimba chiropa, kuzvidzivirira pazvirwere kwakakuvadzwa, kukundikana kushanda kwemitezo, uye rwisano yemitezo yaiswa neyepo. Imwe fundo ichipeta “zviuru zvezvinonetsa” mukuisirwa ropa “yakagumisa kuti kuisira kumwe nokumwe kune bviro yehwerengedzo ye 20% yokushanda kwakaipa, kumwe kuduku asi kumwe kunokuvadza,” kunyange kunouraya.

Zvisinei, asi dzinorangarirwa kuva betsero dzinoruramisa kutarisana nengozi dzakadaro here?

Dr. Kitchens akahwirudzura fundo dzakashumwa 16 dzinobatanidza kuvhiya 1 404 paZvapupu zvaJehovha, izvo zvinoramba kuisirwa mukuteerera murairo weBhaibheri woku‘rega ropa.’—Mabasa 15:28, 29.

Muuyo wacho wakadini? “Chisarudzo chavarwere vari Zvapupu zvaJehovha chokurega kuisirwa nokuda kwemiitiro yokuvhiya kukuru chinoratidzika kuva chinowedzera kufa 0,5% kusvikira ku 1,5% kungozi yokuvhiya kwose. Kwakajeka zvishoma kuti kurwara kwakawanda zvakadini norufu zvinodziviswa nouyu muitiro, asi sezvinobvira zvinopfuura ngozi yokusaisirwa.” (Mashoko akatsveyamiswa ndeedu.) Pfundo rake nderipi? Ngozi ipi neipi yokurapa yokuramba ropa sezvinobvira iduku kupinda ngozi dzinobatanidzwa mukubvuma kuisirwa ropa.

Nokudaro, mubvunzo uno mufungo waKitchens: “Kana kusaisira Zvapupu zvaJehovha kuchiguma zvomenemene nechirwere norufu zvokuwedzera zvakakomba zvishomanene uye kuchidzivisa chitsama chinokosha chendyiko nezvinonetsa zvinopfuurira kwenguva refu, varwere vanofanira kugamuchira kuisirwa kushomanene zvikuru here?”

Avo vanoramba kuisirwa pahwaro hwoufakazi hwakadaro vachavewo vachiita mutsinhirano nemirairidzo inobva kuMusiki wedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe