Mvura Youpenyu
“UNONZWA ngaati: ‘Uya!’ Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) “Mvura youpenyu”—ikoko kunoreva gadziriro dzose dzaMwari dzoruponeso rwedu dzakavakirwa pachibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. Idzi gadziriro dzinowanika, uye ndedzapachena. Rupo runoshamisa zvakadini rwaMwari wedu! Neiko, kunyanguvezvo, dzichifananidzirwa nemvura?
Eya, mvura chaiyoiyo inobvirisa kukura kwemiti muvhu, uye ikoko kunoita kuti upenyu hwavanhu hubvire. Pasina mvura, miti, uye nokudaro vanhu, hazvigoni kurarama. Uyezve, muviri wako i 65 muzana mvura. Nyanzvi dzoutano dzinorumbidza kuchengeta reshiyo iyoyo kupfurikidza nokunwa marita 2,4 emvura pazuva. Miitiro yako yose yomukati youpenyu hwako—kubva pakuseredzera zvokudya kusvikira kukubvisa tsvina—inoda mvura. Pedza vhiki usina mvura, uye unofa.
Nenzira yakafanana, “mvura youpenyu” inobvirisa uye inodyisa upenyu hwomudzimu. Kana tikaramba mvura youpenyu, hatina nguva yemberi inogarisa. (Johane 3:36) Kana tikaigamuchira, tinogona kuwana upenyu husingaperi. Hakushamisi kuti mukadzi weSamaria akapindura nefariro apo Jesu akati kwaari: “Asi ani naani, unonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi”! (Johane 4:14) Ngatisvasvavirirei nokudisa kwakafanana ndokunwa mvura youpenyu pachena.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Garo Nalbandian