Chisungo Chinodhamba Cheroorano
MUMWE amai muduku akagumbatira mwana wake ane mwedzi miviri yokukura. Ipapo, nehasha dzakamwe kamwe, akamudonhedzera pauriri. Mukomana wacho akafa maawa mashomanene gare gare. “Ndakamudonhedza namaune,” akadaro amai wacho, “nemhaka yokuti murume wangu haasati achiitira hanya mhuri yake.” Panzvimbo pokukurukura nhau yacho nomurume wake, akatsamwira mwana wake asina mhaka.
Vanamai vashomanene vanotendeukira kumwero wokunyanyisa wakadaro, asi vazhinji vanogoverana mirangariro yake. Kuri kuva kunoomera zvikuru varoorani kuita kuti roorano yavo ibudirire. “Apo kubvira kwebudiriro yeroorano kunenge kwakaderera sezvakwakaita muUnited States nhasi,” inodaro Journal of Marriage and the Family, “kuita musengwa wakasimba, wakakwana kuroorano . . . kune ngozi kwazvo zvokuti hapana munhu ane mufungo chose chose angauita.”
Munguva dzino dzakanyongana, utere, kusatsinhirana, zvikwereti, rwisano navanatezvara, uye udyire zvose zvinonyandura gakava romumba, iro nguva nenguva rinokura kuva chatanuro. Mugariro wacho wakakomba kwazvo muJapan zvokuti kunyange Chechi yeKaturike, yakakurumbira nokuda kwechimiro chayo chakasimba chokurwisana nechatanuro, yakatofanira kuumba dare chairo rokunyaradza nhau nokuda kwemitezo yakachatanurwa ndokuroorwazve. Chiverengero chinowedzera chavanoenda kuchechi chiri kutapurwa nezvinetso zvine chokuita nechatanuro.
Zvisinei, chiverengero chechatanuro chinongozivisa bedzi rutivi ruduku rwechinetso chikuru zvikuru. Nzvero muUnited States inoratidza kuti ndiko kunaka kuri kushata kwoupenyu hwokuroorana humene kuri chisakiso chewedzero muchatanuro, panzvimbo pekombamiro chete dzenzanga dzinoita kuti chatanuro ive iri nyore zvikuru. Nenhamburiko shomanene uye musengwa mushomanene, upenyu hwokuroorana hunorasikirwa nokukwezva kwahwo. Vazhinji vanochengeta chitarisiko chokunze chokuva varoorani, asi havagoverani chakafanira cheroorano, uye ivo havatongotauri kuno mumwe nomumwe. Vamwe vanorangarira sezvakaita mukadzi wokuMabvazuva uyo akatenga guva rake amene rakaparadzana, achiti, ‘Ndinoramba kuva nomurume wangu muguva.’ Asingakwanisi kuchatanura murume wake zvino, iye anoronga kuva nechatanuro pashure porufu. Nenzira inosuruvarisa, kunyange zvazvo vanhu vakadaro vasina kuchatanurwa, upenyu hwokuroorana hahusati huri manyuko omufarwa nokuda kwavo.
Ndozvakwakanga kwakaita naIsao. Iye akanga aroora mudzimai wake nemhaka yechishuvo chisina mufungo, naizvozvo haana kunzwa sundo yokuchinja mararamire ake okuzvitutumadza. Kunyange zvazvo aitambira mari yakanaka somuchairi werori inoenda kure, aipambadzira yaaiwana yose pakudya nokunwa, asingatarisiri mhuri yake. Somuuyo, kupopotedzana nomudzimai wake kwakanga kusingatongogumi. “Panguva ipi neipi apo zvinhu zvaindishatira,” anoyeuka kudaro Isao, “ndaienda kumusha ndokutsamwira mhuri yangu.” Kufanana negomo rinombumutsa utsi iro risingadereri, nhau yechatanuro yaimuka zuva nezuva.
Varume navakadzi vazhinji vari kutsungirira roorano yakashata. Vangachatanura kana kuti kwete, havasi kuwana mufarwa. Pane nzira here yokuti vaite kuti roorano yavo ibudirire? Chii chinogona kuitwa kusimbisa chisungo chavo cheroorano?