Kutsvaka Pfuma Yakavanzwa
MUNA 1848 ndarama yakawanwa paSutter’s Mill muCalifornia, U.S.A. Pakasvika 1849 zviuru zvakanga zvichiungana panharaunda yacho zvichikarira kupfuma nokukurumidza, uye kumhanyira ndarama kukurusa munhau yeUnited States kwakanga kuchifambira mberi. Munguva yegore rimwe, chiteshi chengarava chapedyosa, San Francisco, chakakura kubva pataundi duku kuenda kuguta ravane 25 000. Kariro yepfuma yakamwe kamwe yakabvumikisa kuva nyengedzo ine simba.
Mambo Soromoni waIsraeri wakare aiziva kuti vanhu vanochera nesimba sei pfuma yakavanzwa, uye iye akanongedzera kuna ikoku apo akanyora, kuti: “Kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirvheri, ukahutsakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.”—Zvirevo 2:3-5.
Unogona kuita zvinhu zvakawanda nendarama nesirivha, asi unogona kuita zvinopfuura nenzwisiso nouchenjeri. Izvozvi zvichakubetsera kuita zvisarudzo zvakarurama, kupedza zvinetso, kubudirira muroorano, uye kuwana mufarwa. (Zvirevo 2:11, 12) Nenzira yakafanana, zivo yechokwadi nouchenjeri zvichakubetsera kuziva Musiki wako, kunzwisisa madonzo ake, uye kumuteerera ndokumufadza. Ndarama haigoni kukupa chimwe chezvimwe izvozvi.
Mashoko eBhaibheri ndeechokwadi: “Uchenjeri chitaviridzo sezvo mari iri chitaviridzo, asi betsero yezivo ndeiyi: kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwomwene wahwo.” (Muparidzi 7:12, New International Version) Nepo vakawanda vachirota nezvepfuma yakamwe kamwe, kuchenjera zvikuru sei kuzarura Bhaibheri ndokuchera njere, nzwisiso, zivo, uye uchenjeri izvo zviri pfuma yechokwadi.