Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Mushingairi Muduku Weraruwe Anodzidza Zvokwadi
KANA mwoyo womunhu uchida kururama, ipapo Jehovha Mwari, achishandisa Kristu Jesu nengirozi dzokudenga, achava nechokwadi chokuti munhu akadaro akafanana negwai pakupedzisira anosvikwa namashoko akanaka oUmambo. Munguva yakafanira munhu iyeyo angauya kuruoko rworudyi rwaJesu rwenyasha. (Mateo 25:31-33) Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvomumwe mushingairi muduku womuraruwe muAustria uyo akasvika pakurovedzana nezvokwadi nenzira yechienzi.
Rutivi runofadza zvikurusa rwebasa rokuzvifadza rouyu murume muduku rwakanga rwuri rwokufamba ari momuchairi wezvitima, nemvumo yavatarisiri veraruwe. Airekodha rwendo rumwe norumwe mukamera yake yevhidhiyo kuitira kuti agogona kuruona zvakare ari mumusha make. Parwendo rwaakaita achibva kuVienna achienda kuSalzburg, muchairi wechitima akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye akashandisa banza racho kutaura pamusoro poUmambo kumushingairi weraruwe. Pakutanga murume muduku akashamiswa kunzwa muchairi achitaura pamusoro paMwari neBhaibheri, asi mukati morwendo rwacho, akanangidzira ngwariro zvikuru pachiono kupfuura paizvo muchairi akanga achitaura kwaari.
Ava kumusha zvakare, uyu mushingairi muduku akaona zvakarekodhwa muvhidhiyo yake kwete kamwe asi kagumi, sezvaakanga achifarira zvikuru urwu rwendo. Sezvo akanga arekodhawo manzwi, akanzwa anzwazve izvo Chapupu chakanga chamuudza. Sezvo akaona vhidhiyo yacho kakawanda, akava akarovedzana zvikuru nechaakanga audzwa. Akavamba zvino kufunga pamusoro pacho, uye pakupedzisira akava anoshingaira pamusoro pamashoko anoshamisa akapiwa achibva muBhaibheri. Akada kuziva zvakawanda.
Akayeuka zita romuchairi uye aiziva kuti aigara kune imwe nzvimbo muVienna. Naizvozvo akaenda kupositi ndokutanga kuridza nhamba dzenhare zhinji dzakarongwa pasi pezita iroro raiva mubhuku renhamba dzenhare. Mubvunzo wake kuna avo vakapindura runhare wakanga uri wokuti: “Muri muchairi wechitima here?” Kana mhinduro yaiva aiwa, airidza imwe nhamba. Pakupedzisira, akawana muchairi wacho. Akamuudza nhau yake uye kuti akanga achifarira shoko reBhaibheri raakanga anzwa muvhidhiyo.
Chapupu chacho chakaita gadziriro kupfurikidza nehofisi yebazu dzokuti shanyo iitwe nomumwe munhu aigara pedyo nomurume muduku wacho. Kwakaitika kuti muungano yomunzvimbomo, makanga mune chimwe Chapupu chakanga chiriwo muchairi wechitima. Uyu muchairi wechipiri akashanyira mushingairi weraruwe, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Muzhizha ra 1991, murume muduku wacho akabhapatidzwa.
Jehovha, uyo anonzvera mwoyo yose, anofanira kuva akaona kuti uyu munhu akanga ane rudo rwapachokwadi nokuda kwokururama. Nokudaro, akaita kuti awane zvokwadi yeBhaibheri—kunyange zvazvo nenzira yechienzi.—1 Makoronike 28:9; Johane 10:27.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Courtesy of the Austrian Railways