RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 5/15 p. 32
  • Nei Tichifanira Ku“enda Kumujuru”?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Ku“enda Kumujuru”?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 5/15 p. 32

Nei Tichifanira Ku“enda Kumujuru”?

MAMBO akachenjera Soromoni waIsraeri wakare akapa iri zano: “Enda kumujuru.” Neiko iye akataura izvozvi? Chii chatinogona kudzidza kumajuru?

Soromoni akawedzera, kuti: “Cherechedza nzira [dzomujuru] ugova wakachenjera! Kunyange iwo usino mutongi, kana mutariri kana mubati, unogadzira zvokudya zvawo muzhezha, nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.” (Zvirevo 6:6-8) Mashoko iwayo ekare kare anotaura zvokwadi dzakawanwa nenyanzvi dzinofunda chisiko dzomuzuva razvino uno.

Nyanzvi yezvirevo Agur inoratidzira kuti majuru “akachenjera nenzira yomusikirwo.” (Zvirevo 30:24, 25, NW) Chokwadika, uchenjeri hwawo hahusi muuyo wokurangarira kwoungwaru asi hunobva mukuziva kwomusikirwo uko Musiki akaapa. Nemhaka yokuziva kwomusikirwo, somuenzaniso, majuru anounganidza zvokudya zvawo panguva yakafanira.

Majuru akarongwa nenzira inoshamisa. Achibatira pamwe nenzira inoshamisa uye achingwarira vashandi biyawo, anobatsira majuru akuvadzwa kana kuti aneta kudzokera kumba. Iwo inogadzirira nenzira yomusikirwo nguva yemberi uye anoita chinhu chiri chose chinobvira kuita mabasa awo.

Nzira yomusikirwo yomujuru inoreva kuti vanhu vanofanira kuronga pachine nguva mberi ndokuva vashandi nesimba. Ikoku kunoshanda muchikoro, kubasa, uye mumibato yomudzimu. Sezvo mujuru uchibetserwa nokubishaira kwawo, naizvozvo Mwari anoda kuti vanhu va‘one zvakanaka nokuda kwebasa rawo rose rakaoma.’ (Muparidzi 3:13, 22; 5:18) Kufanana namajuru akabatikana, maKristu echokwadi anoita basa rakanaka rezuva. Iwo ‘anoita nesimba rawo icho maoko awo anowana kuti aite,’ kwete nemhaka yokuti bhasi akatarira, asi nokuda kwokutendeseka uye nechishuvo chokuva vashandi vanobishaira, vanobetsera.—Muparidzi 9:10; enzanisa naZvirevo 6:9-11; onawo Tito 2:9, 10.

Tichava vanofara, zvamazvirokwazvo, kana tika“enda kumujuru” ndokushandisa zvatinodzidza kwauri. Uye mufarwa mukurusa uchava wedu kana tikaita kuda kwaJehovha Mwari nenzira yokushingaira, sokunoziviswa muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe