RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 5/1 p. 32
  • Waizopa Zvakawanda Sei nokuda Kwaihwohwu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizopa Zvakawanda Sei nokuda Kwaihwohwu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 5/1 p. 32

Waizopa Zvakawanda Sei nokuda Kwaihwohwu?

IWE unoziva nezvechinhu chipi nechipi chinokosha kwazvo zvokuti waizorega nokudisa chinhu chiri chose chaunacho kuti uve nacho here? Jesu akadaro, uye akataura nezvacho kuvateveri vake.

Iye akati: “Ushe hwokudenga hwakafananazve nomutengi unotsvaka maparera akanaka. Akati awana parera rimwe rino mutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.”—Mateo 13:45, 46.

Mutengesi iyeyo akanga achidisa kurega chinhu chiri chose kuti ave ne“parera,” Umambo hwaMwari. Neiko? Nemhaka yokuti hakuna chinhu munyika ino chinoenzana nahwo. Umambo hwaMwari huchapedza zvinetso izvo munhu ave asingakwanisi kupedza, zvakadai sehondo, nzara, utsotsi, uye dzvinyiriro. (Pisarema 72:4-8, 13, 14) MuUmambo, kunyange chivi, hosha, uye rufu hazvisati zvichizovamozve. (Zvakazarurwa 21:4, 5) Hakushamisi kuti chikumbiro chechipiri choMunyengetero waShe (“Baba Vedu”) ndeichi, “Umambo hwenyu ngahuuye”!—Mateo 6:9, 10, NW.

Chii chawaizopa kuti ugoverane muzvikomborero zvoUmambo? Kutaura idi, zvikomborero zvacho ndezvapachena. Asi kuti uzvifarikanye, unofanira kuziva chiri Umambo, kudavira kuti chinhu chaichoicho, uye kuhupa nzvimbo yokutanga muupenyu hwako. Unogona kuita izvozvo here? Kuna mashoko ari muBhaibheri achakubetsera. Kuregerereiko kubvumira Zvapupu zvaJehovha kukubatsira mukudzidza pamusoro poUmambo hwaMwari nokuwana kuti hunogona sei kukubetsera kunyange zvino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe