Tsvimbo Yomutamba Yakabva Muimba yaJehovha Here?
VACHERI vamatongo muIsraeri vakafukunura tsvimbo dzakawanda, midonzvo zvaitakurwa navanhu vane chiremera. (Genesi 49:10; Estere 8:4; Ezekieri 19:14) Dzimwe tsvimbo dzakawanwa muLachish dzaiva nomusoro wakaita sedamba. Vanhu vaMwari vaisanoziva uyu muchero.—Dheuteronomio 8:8; Rwiyo rwaSoromoni 4:13.
Mutamba wenyanga yenzou mukutunga, kuruboshwe, wakawanwa kasati kari kare. Wakareba mamirimita 43, uye mwena uri pasi pawo unokarakadza kuti waiva rutivi rwetsvimbo. Cherechedza mabhii akanyorwa mumutoo wapakuvamba wechiHebheru unosvika kuzana ramakore rechisere P.N.V.
Rutivi rwenyanga yenzou yacho rwakagurwa munguva dzakare, naizvozvo mabhii mashomanene haapo kana kuti aripo murutivi bedzi. Bva, nyanzvi mumanyoro akare dzinokarakadza dzorero yakanyorwa pasi apa. (Yakavakirwa paBiblical Archaeologist) Nzvimbo dzisina kuenzana pakati pamabhii dzakatungamirira kukurava kuviri kukuru. Nyanzvi yechiFrench André Lemaire yakakarakadza kurava kunoti “NdeeTembe[re yaSh]e [Yahweh], tsvene kuvaprista.” Nahman Avigad akakarakadza “Mupiro unoyera nokuda kwavaprista ve(mu)Imba yaYahweh.”
Ivo nedzimwe nyanzvi vakagumisa kuti tsvimbo yacho pakuvamba yaiva namabhii mana echiHebheru ezita chairo raMwari—Jehovha. Naizvozvo yaizova yakadudza kuti “Imba yaJehovha,” chitsama chamashoko chinozivikanwa muBhaibheri.—Eksodho 23:19; 1 Madzimambo 8:10, 11.
Vazhinji vachiri kurangarira kuti uyu musoro wetsvimbo ungave waiva womuprista patembere Soromoni akavaka kana kuti yakapiwa kutembere iyoyo. Nenzira inofadza, mugadzirirwo womutamba waiwanzooneka patembere yaMwari.—Eksodho 28:31-35; 1 Madzimambo 7:15-20.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Israel Museum, Jerusalem