Chinono Chakauraisa!
MHURI nhatu, vakuru vanomwe navana vatanhatu, vakamhanya nenzira yokupererwa nezano rose nokuda kwoupenyu hwavo. Ivo sezviri pachena vakanga vaungana pamwe chete muuvando hwomusha womumwe munhu, vachikarira kupukunyuka zvimvuramabwe zvinotyisa. Asi sezvo kutinhira kwamabwe anodonha kwakanyarara, rutyo rutsva rwakasvika—gore dema ramarota anokachidza. Zvino pakanga pasina chisarudzo kunze kwokutiza.
Aitungamirira akanga ari murume, zvimwe mubatiri, uyo akatiza ane bhegi rembuva rakandwa papfudzi rake. Iye akateverwa navakomana vaviri, mumwe ane makore anenge mana okukura, mumwe mashanu, vachimhanya vakabatana maoko. Vamwe vakatevera—vavhundutswa, vachiparapatika, vachitatarika, vachitsvaka kupukunyuka nenzira yokupererwa nezano rose. Ivo vakaedza kufema, asi panzvimbo pomweya, ivo vakafema marota akatota. Mumwe pashure pomumwe, vose 13 vakawira ndokurara vasingatenheki uye pakupedzisira vakavigwa namarota anowa. Zvisaririra zvavo zvinonzwisa urombo zvaizoramba zvakavanzwa kutozosvikira vacheri vamatongo vazvifukunura anodokusvika makore 2 000 gare gare ndokuwana udzame hunosiririsa hwenguva dzavo dzokupedzisira.
Ava vanyajambwa 13 vaingova vashomanene bedzi vavanofungidzirwa kuva 16 000 avo vakaparara muguta rakare rePompeii, Italy, pana August 24, 79 N.V. Vazhinji vakapukunyuka kupfurikidza nokutiza guta racho apo Gomo reVesuvius rakambumutsa kuputika kwaro kwokutanga kumene. Bva, avo vakanonoka—zvikurukuru vapfumi avo vasina kuda kusiya misha yavo nepfuma—vakavigwa pasi pamamita matanhatu ebwe namarota.
Chakaitika muPompeii anodokusvika makore 2 000 apfuura ingava nhau yakare. Asi munzira dzakawanda icho chinowirirana nomugariro wakatarisana nedzinza rose ravanhu nhasi. Chiratidzo chenyika yose, chinotyisa zvikuru kupfuura kutinhira kweGomo reVesuvius, chiri kuzivisa kuti iyi nhevedzo yenyika yazvino iri kutarisana noruparadziko rwava pedyo. Kuti tipukunyuke, tinofanira kuita nokukurumidza. Chinono chinouraisa. Kuti chii chaizvo chiri chiratidzo ichocho uye kuti tinogona sei kuita chimwe chinhu nokuchenjera kwachiri ndiyo nhau yenyaya yedu inotevera.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Pikicha yapabutiro yakatorwa neNational Park Service
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Soprintendenza Archeologica di Pompei