“Chapupu Chakatendeka chiri Kudenga”
KARE kare munhu wokutanga asati afamba papasi, mwedzi wakapenya zvakajeka mudenga rousiku. Pane imwe nguva vazhinji vaiunamata samwarikadzi. Munyori wechiGiriki Plutarch akataura kuti wakanga uri mugumo wokupedzisira womweya yakachena pashure porufu. Mungano dzeBaltic mwedzi wakanga uri murume, murume wezuva. Ivo vakava nekakavadzano yeroorano, uye mwedzi wakatiza uchibva kumudzimai wawo, usingawanzooneka naye mumatenga!
Nhasi, vadani vaduku—uye kwete vaduku kwazvo—vanotarira kumwedzi ndokufunga mifungo yorudo. Muma 1960 masayendisiti akapedza zvitsama zvihombe zvemari kuti aise munhu pamwedzi ndokudzoka namakirogiramu mashomanene amabwe okunzvera. Chinhu chimwe pamusoro pomwedzi ndechechokwadi. Zuva rimwe nerimwe, panguva yakarurama chaipo, uchabuda ndokuvira. Wakatendeka kwazvo mukutenderera kwawo kwakagadzwa zvokuti tinogona kuverenga mwero yawo nokuora zviuru zvamakore tichipinda munguva yakapfuura.
Apo vaIsraeri vaitarira kumwedzi, vaiyeuchidzwa nezvechimwe chinhu chinoshamisa. Mwari akapikira kuti mutsara woumambo waMambo Dhavhidhi hausati waizopfuura. Iye akati: “Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi [mbeu yaDhavhidhi], sechapupu chakatendeka chiri kudenga.” (Pisarema 89:35-37) Ichi chipikirwa chakazadzikwa muna Jesu, “Mwanakomana waDhavhidhi.” (Ruka 18:38) Pashure porufu rwake Jesu akamutswa somudzimu usingafi ndokukwira kudenga. (Mabasa 2:34-36) Pashure penguva yakati akagadzwa saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari. (Zvakazarurwa 12:10) Umambo ihwohwo zvino hwotonga uye “huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Neiyi nzira Jesu, mumiriri asingafi womutsara woumambo waDhavhidhi, achagara kwenguva refu somwedzi, “chapupu chakatendeka chiri kudenga.”
Nokudaro, nguva imwe neimwe unoona mwedzi uchipenya zvakajeka mudenga rousiku, yeuka chipikirwa chaMwari kuna Dhavhidhi ndokuonga kuti Umambo hwaMwari zvino hwotonga uye huchatonga nokusingaperi, kumbiri yaMwari nokuchikomborero chisingaperi chorudzi rwomunhu rwakatendeka.—Zvakazarurwa 11:15.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Frank Zullo