Chipiyaniso—Chiratidzo chechiKristu Here?
KWAMAZANA amakore vazhinji vakagamuchira chipiyaniso sechiratidzo chechiKristu. Asi ndicho chaizvoizvo here? Vazhinji vakadavira zvapachokwadi saizvozvo vanoshamiswa zvikuru kuziva kuti chipayaniso hachisati chichitongova bedzi chechiKristudhomu. Mukupesana, chakashandiswa zvikuru mumarudzidziso asati ari echiKristu munyika yose.
Somuenzaniso, mukuvamba kwama 1500, sezvo Hernán Cortés nehondo yake “yechiKristu” akagadzirira kudenha Umambo hweAztec, ivo vakatakura zviratidzo zvaizivisa kuti, “Ngatiteverei chiratidzo cheChipiyaniso Chitsvene mukutenda kwechokwadi, nokuti pasi peichi chiratidzo tichakurira.” Ivo vanofanira kuva vakashamiswa nokuwana kuti vavengi vavo vechihedheni vainamata chipiyaniso chakanga chisiri chakasiana nechavo vamene. Bhuku rinonzi Great Religions of the World rinoti: “Cortés navateveri vake vakatyiswa nezvibairo zvavanhu zvavaAztec uye zvairatidzika kuva zvakafanana nenyepedzero dzouSatani dzechiKristu: . . . kunamata zviratidzo zvakafanana nechipiyaniso zvavamwari vemhepo nemvura.”
Muchikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau mupepanhau rinonzi La Nación, munyori José Alberto Furque anoonesa kuti muhafu yechipiri yezana ramakore rechi 18, kwakavamba “kurukurirano inotyisa neinofadza pakati pavanodzidza mavambo avanhu navacheri vamatongo pamusoro pamavambo nerevo yezviratidzo zvechipiyaniso” zvavakanga vachiwana makawanda meCentral neSouth America. Sezviri pachena vamwe vakanga vave vachidisa kwazvo kudzivirira mugariro wechipiyaniso sechiratidzo che“chiKristu” bedzi zvokuti ivo vakapa rondedzero yokuti nenzira yakati vaAmerica vakanga vaparidzirwa evhangeri pamberi porwendo rwomugungwa rwaColumbus! Uyu murangariro usina mufungo waifanira kuraswa sousina maidi.
Pashure penguva yakati, kumwe kuwana munhau yacho kwakagumisa kurukurirano yose yakadaro. Furque anoti: “Mubhuku rakabudiswa muna 1893 neSmithsonian Institution, kwakasimbiswa kuti chipiyaniso chakanga chichitonamatwa . . . kare kare pamberi pokusvika kwavaEurope vokutanga muNorth America, uko kunosimbisa rondedzero . . . yokuti chiratidzo chakadaro chakaoneka munzanga dzose sorutivi rwokunamatwa kwomuitiro kwamasimba anovamba upenyu.”
Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu haana kutongourairwa pachipiyaniso chinogamuchirwa asi panzvimbo pezvo padandawo zvaro, kana kuti stau·rosʹ. Iri shoko rechiGiriki, rinooneka pana Mateo 27:40, zvikurukuru rinoreva dandawo zvaro rakatwasuka kana kuti bango, zvakadai saayo anoshandiswa mukuvaka nheyo. Nokudaro, chipiyaniso hachina kutongomirira chiKristu chechokwadi. Jesu Kristu akazivisa chiratidzo chaichoicho, kana kuti “chiratidziro,” chechiKristu chechokwadi apo akaudza vateveri vake, kuti: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.”—Johane 13:35, NW.