RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 11/1 p. 32
  • Akawina Mubairo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akawina Mubairo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 11/1 p. 32

Akawina Mubairo

“NDINOKUONGAI nokuda kwako kwose,” anonyora kudaro Kiyoe, mumwe mukuru wapachikoro chapamusoro, kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muJapan. Chii chaari kuonga kwazvo nokuda kwacho? Kiyoe misi ichangobva kupfuura iyi akawina mubairo mukurusa mumakwikwi orudzi okunyora nhauro, akatsigirwa neJapan Traffic Safety Association. Mubairo unokosha unobatanidza rwendo rwokuSweden.

Kiyoe akanyora kutaura kuonga kwake nokuda kwezvinyorwa zvizhinji zvakaisvonaka zvinobudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society, izvo anonzwa kuti zvakamubetsera zvikuru kubudirira. Kunze kwaaya makwikwi, iye akamirira chikoro chake mumakwikwi akawanda okutaura nokunyora nhauro. “Mumazhinjisa eaya makwikwi,” iye anodaro, “musoro unopiwa, uye vadzidzi vanoita nzvero nokuda kwenhauro dzavo muraibhurari. Zvisinei, handifaniri kupinda muchinetso chose ichocho. Ndinowana mashoko anoshamisa pasherufu yamabhuku kumusha!” Anopfuurira, kuti: “Upi kana upi uri musoro wacho, zvingava zvinetso zvokukwegura, mhoteredzo, ukama hwamarudzi ose, kana kuti kuzvivandudza, kazhinji kazhinji pane kurukurirano yakadzama mumagazini eNharireyomurindi kana kuti Mukai!”

Kunyanguvezvo, hazvisati zviri zvinyorwa chete zvakabetsera Kiyoe. Iye anotaura kuti dzidzo yaakagamuchira kupfurikidza nepurogiramu dzokudzidzisa dzeZvapupu zvaJehovha dzakamubetsera kuvandudza kurava kwake nokunyora, uye ikoku kwakamugonesa kukunda mumakwikwi. “Pane imwe nguva, ndaida chaizvoizvo kuwana dzidzo yeyunivhesiti,” iye anobvuma kudaro. “Asi ndokupiko kwandaigona kuwana rovedzo yakafanana naiyoyi?” Zvino iye anokarira kushanda nguva yakazara mukubetsera vamwe kubetserwa nedzidzo yaakagamuchira. Uchifadzwa nomubairo wenhauro, mwoyo waKiyoe wakaiswa pakuwana mubairo woupenyu.—Enzanisa naVaFiripi 3:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe