Uporofita Hunozadzikwa
APO Kristu Jesu akakumbirwa navadzidzi vake chiratidzo chokuvapo kwake kusingaoneki musimba roUmambo, Jesu akadeya kutaura “kuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateo 24:3, 12, NW) Ko uporofita ihwohwu huri kuzadzikwa here muzuva redu?
Zvamazvirokwazvo huri kuzadzikwa! Bhuku rinonzi The United Nations and Crime Prevention, rakabudiswa neCM muna October 1991, rinoti: “Utsotsi hwakakomba chinetso chakakomba nenzira yechienzi nokuda kwamarudzi mazhinjisa enyika. Utsotsi hwomunyika hwakapfuura udzori hwamarudzi mazhinjisa mamwe namamwe uye utsotsi hwamarudzi ose hwakawedzera kupfuura munosvika zvino nzanga yamarudzi ose. . . . Utsotsi hunoparirwa namapoka outsotsi akarongwa hwakakura kusvika kumwero inokatyamadza, nemiuyo yakakomba zvikuru mumasimba masimba omuviri, tyisidziro noushati hwavakuru vakuru. Ugandanga hwakatora makumi ezviuru avanyajambwa vasina mhaka. Kutengesa kwoudyire mirimo inopinda muropa kwazova ngwavaira yenyika yose. Kuparadzwa kwemhoteredzo kwokusangwarira nenzira youtsotsi kwazova nezvimiro zvinokatyamadza zvakadaro uye ukuru zvokuti kwazozivikanwa soutsotsi hunoitirwa nyika imene.”
Kudenha: Wedzero kuvambira pakudenha 150 pavanhu 100 000 muna 1970 kusvikira kukunodokuva 400 pa 100 000 muna 1990.
Kuba: Wedzero kubva pakunopfuura chete 1 000 pa 100 000 muna 1970 kusvika ku 3 500 pa 100 000 muna 1990.
Kuuraya Kwamaune: Munyika dziri kubudirira, wedzero inobva pa 1 kusvika ku 2,5 pa 100 000 pakati pa 1975 na 1985. Munyika dzakabudira wedzero nokuda kwenhambo imwe cheteyo yakanga iri kuvambira pasi pe 3 kuinopfuura 3,5.
Mhaka dzine chokuita nemirimo: Bhuku racho rinoti: “Mibatanidzwa yokutengesa kukuru inogona chaizvoizvo kupfuura ndokuparadza Hurumende dzamarudzi maduku, uye kusvikira panguva ino akakwanisa rambidzo nenhamburiko dzokuita kuti mitemo iteererwe dzenyika dzine mabasa okugadzira zvinhu.”
Mwero wose woutsotsi: Unokarirwa kupetwa kaviri kuvambira pa 4 000 pa 100 000 muna 1985 kusvika kunenge ku 8 000 mugore ra 2000.
Wedzero yomunyika yose muutsotsi inongova zvayo rutivi rumwe rwouporofita hwaJesu hunoratidzira kuti tiri kurarama mu“mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3, NW) Jesu akati: “Apo munoona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.”—Ruka 21:31, NW.