RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/1 p. 32
  • “Mudzimai Woupwere Hwako”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mudzimai Woupwere Hwako”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/1 p. 32

“Mudzimai Woupwere Hwako”

“UPOMBWE hunodokuratidzika kuva hwakafanana nechinoitika chezuva riri rose.” Dzinodaro nyanzvi dzakawanda, mukuwirirana neLos Angeles Times. Ko kutaura kwakadaro kunokushamisa here? Bva, murapi wendangariro Frank Pittman anorangarira kuti inenge 50 muzana yavarume uye kuvambira pa 30 muzana kusvikira ku 40 muzana yavadzimai vave vasina kutendeka. Kana ikoko kuri chokwadi, inodokuva hafu yavanhu vose vakaroorana inoita upombwe!

Ikoko kunoreva here kuti utere hwakarurama? Nyangwe! Kupararira kwokusavimbika hakusati kuchihuita hwakarurama—sezvo kukura kwoutsotsi hwomumugwagwa kusingaiti kuti kuve kwakarurama kubira mumwe munhu. Utere hunokuvadza. Somuenzaniso, rudzi rwomunhu nhasi runorwadziwa nokupararira kwehosha dzine ngozi dzinopfuudzwa muvatano kwose kungagona kusatana kudzorwa kudai vanhu vachirarama upenyu hwakanaka mutsika. Hosha inouraya AIDS ingadai isina kutongosimba sezvayaita kudai vanhu vakanga vasina kuva vasingazvibati kwazvo muupenyu hwavo hwevatano.

Kunze kwezvo, kunyange vakachenjera zvikurusa uye “vanoziva” vanonzwa marwadzo makuru apo vakwanyina vavo vanenge vasina kutendeka. Chiito chimwe chokusavimbika chinogona kuparira maronda ayo anotora hafu yenduramo kuti apore.

Pfundo rinokosha zvikurusa, kunyanguvezvo, nderokuti kusakoshesa mhiko dzeroorano kuzvidzwa kwakakomba kwaMwari, sezvo iye ari Muvambi weroorano. Bhaibheri rinoti: “Roorano ngaikudzwe pakati pavose.” Tinonyeverwawo, kuti: “Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.”—VaHebheru 13:4, NW.

Nokudaro, vanhu vakachenjera vanoteerera mashoko akafuridzirwa, anoti: “Fara nomudzimai woupwere hwako.” (Zvirevo 5:18, NW) Ivo vanotsvaka gutsikano nomufarwa navakwanyina vavo veroorano. Mukuita saizvozvo vanotaviridza utano hwavo hwomuviri nohwendangariro, uye chinokosha zvikurusa, vanounza rukudzo kuMuvambi mukuru weroorano, Jehovha Mwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe