Nguva Yokutsvaka Mwari
MUFANANIDZO uri papeji ino ndoweAcropolis yeAtene, yaimbova nzvimbo yokunamatwa kwavamwari navamwarikadzi vakawanda. Pasi peAcropolis pane Areopago, inotaurwa kuva yaiva nzvimbo yedare reruramisiro munguva dzakare. Pakanga pari panzvimbo iyoyi, anodokusvika makore 2 000 akapfuura, apo muapostora Pauro akamira ndokupa hurukuro inoshamisa zvirokwazvo. Zvinotevera ndezvimwe zvezvaakataura:
“[Mwari] wakaita marudzi ose avanhu, achibva kune mumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo; kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu. Nokuti maari tine upenyu, tinofamba, tiripo.”—Mabasa 17:26-28.
Nhau yaizodai yakava yakasiana sei kudai rudzi rwomunhu rwose zvarwo rwakanga rwacherekedza mashoko aPauro! Ihondo ngani, kutambura kukuru sei, kungadai kwakadziviswa kudai vanhu vakanga vaziva fariro yavo yavose savana vomunhu mumwe akasikwa naChangamire Ishe, Jehovha.
Nhasi, rudzi rwomunhu rwaparadzwa nourudzi, misiano yamapoka, ruvengo rwedzinza, uye kusaruramisira munzanga. Bva, mashoko aPauro achiri kushanda. Tose zvedu tiri vana vomunhu mumwe iyeyo akasikwa naMwari. Tose zvedu tiri, mupfungwa iyeyo, hama nehanzvadzi. Uye hakusati kwava kunyanyononoka kutsvaka Mwari apo anenge achiri kugona kuwanikwa.
Mashoko aPauro anova noukombi hunotova hukuru apo tinorangarira mashoko okupedzisira ehurukuro yake. Iye akati: “[Mwari] wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.”
Rumuko rwaJesu iidi renhau, uye sokuratidza kunoita Pauro, ivimbiso yokuti kuchava nezuva rorutongeso rworudzi rwomunhu. Rini? Eya, tinoziva kuti rava pedyo namakore anodokusvika 2 000 kupfuura apo Pauro akamira paAreopago ndokutaura aya mashoko. Zvamazvirokwazvo, zadziko youporofita hweBhaibheri inoratidzira kuti rava pedyo zvikuru. Mufungo wakakomba zvakadini! Ndokwekukurumidzira sei kuti titsvake Mwari noumachokwadi hwose, sezvo, sokuudza kwakaita Pauro vaAtene kuti, “zvino unoraira vanhu vose kose kose kuti vatendeuke”!—Mabasa 17:30, 31.