Vakauya Pasinei Zvapo Nenhamo Nengozi
MUSI wacho wakanga uri January 2, 1992. Nzvimbo yacho—Maxixe, Ruwa rweInhambane. Mitinhimira yousiku yeAfrica yeMozambique yakavhiringidzwa zvikuru sezvo nhepfenyuro yakavhurwa. “Zvapupu zvaJehovha zviri kuita ‘Vadi Vorusununguko’ Kokorodzano yazvo muruwa rwedu,” mutepfenyuri akazivisa kudaro. “Donzo razvo nderokurairidza vanhu pamusoro pokuti rusununguko rwechokwadi runogona sei kuwanwa munyika yanhasi. Vose vanobvumirwa kupinda.”
Ikoko mukona iroro riri kure reAfrica, chimwe chinhu chakanga chichiitika icho chaizoyeukwa kwenguva refu! Kwenguva yokutanga, kokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha yakanga ichiitwa, uye vanhu 1 024 vakanga varipo kuzoifarikanya. Makore mashomanene akapfuura, chinoitika chakadaro chaisagona kuve chakaitika pachena kudaro muMozambique, sezvo basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rakarambidzwa panguva iyeyo. Ungada kunzwa pamusoro pokurega zvimwe zvinhu kwoushingi kwakaitwa nokuda kwokupinda iyi kokorodzano here?
Ruwa rweInhambane, kufanana namamwe mativi mazhinji eAfrica, rwakaisvonaka zvikuru. Magwa okuredza nawo akafanana nengarava dzine machira ane makona matatu anoyambuka gungwa nechokumhenderekedzo kwarwo. Miti yecoconut yakawanda. Asi mudzimu wakashata unotevera ruwa rwacho: hondo yavagari vemo!
Nokuda kwaavo vakarara mudzimba dzakagadzirwa nomupalm mumaawa okuvamba amangwanani, hakusati kuri kwechienzi kumutswa nokurira kusingafadzi kwokuti gidhii-gidhii-gidhii kwezvigwagwagwa zvine simba mumaruwa apedyo sezvo hondo yomusango inodya marasha mukati mose mousiku. Kazhinji kazhinji zvikuru vagari vemo vasina mhaka vanotambura. Pane dzimwe nguva vana vanoonekwa vachikamhina vasina makumbo kana kuti vakakuvadzwa. Kunyange vamwe veZvapupu zvaJehovha vane mavanga pazviso zvavo nemiviri zvoutsinye hwavakatambura.
Muiyi migariro “Vadi Vorusununguko” Kokorodzano yakaongwa zvikuru navose vakapinda. Pasinei hapo nebviro yokugarirwa achienda kukokorodzano, mapoka mazhinji emhuri aibva kunharaunda dzokumaruwa akanga akatsunga kuuya. Kusvika ikoko kwakanga kusinawo kukotsekana, sezvo zvifambiso zvavose zviri zvikurukuru marori makuru, akavhurika. Pane dzimwe nguva vanosvika vakwiri 400 vanomanikidzana murori rimwe! Chiverengero chaaya marori chinoita mutsetse kuumba mapoka emotokari dzinoperekedzwa navarwi vane zvombo.
Nora navanasikana vake vatatu, mazera gore rimwe, matatu, uye matanhatu, vakanga vari mhuri imwe yakaisa mungozi upenyu hwavo kupfurikidza nokufamba neiyi nzira. Akanga achengetedza mari kwemwedzi yakati pachine nguva mberi kuti vagokwanisa kuwana mari yorwendo rwacho. Idi rokuti pakanga pasina nzvimbo dzokugara dzakarongwa dzaiwanikwa pakokorodzano harina kumudzivisa. Pamwe chete navamwe vazhinji, Nora nemhuri yake vakangobika, kudya, uye kurara panze panzvimbo chaipo yegungano.
Kwete kunyange kudziya kunotyisa kwomunzvimbo yapasi inopisa kwakateverwa nokunaya kwemvura kukuru kwaigona kuderedza kufara kusingadzivisiki kwehama dzaifarikanya zvokudya zvomudzimu pamwe chete. Vakanzwa kuti hakuna chinhu chakanga chichikosha zvikuru nokuda kwavo kupfuura kuva pakokorodzano iyoyo. Hwerengedzo yavanhu 17 yakaratidzira tsauriro yavo mumvura dzinodziya dzeIndian Ocean. Sezvo rubhapatidzo rwakaitika, boka guru ravaoni vanofara rakasundwa nenzira yokuzvidira kuimbira Jehovha rumbidzo.
Iri boka ravanamati rakanga rawana chakunoreva zvirokwazvo kuva vadi vorusununguko rwoumwari. Hans, mumiriri akabva kudzimbahwe, Maputo, akati: “Tichangobva kuona mavambo enhambo itsva mubasa reZvapupu zvaJehovha murutivi rwuno rweAfrica.”