RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 6/15 p. 32
  • Ivo Vanogona Kudzidza Kunyuchi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ivo Vanogona Kudzidza Kunyuchi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 6/15 p. 32

Ivo Vanogona Kudzidza Kunyuchi

“Mumakore achangobva kupfuura aya, mainjinia navagadziri vezvinhu vakaziva nenzira inowedzera chimwe chinhu icho nyuchi sezviri pachena dzakaziva nguva dzose: kuumba kunyange chinhu chitete zvikuru kuva zinga rine mativi matanhatu kunochiita chakasimba zvikuru kupfuura zvachaizova muchimwe chimiro chakati.”—The New York Times, October 6, 1991.

HAKUSHAMISI kuti vanhu vanogona kubetserwa nefundo yokungwarira yezvipembenene. Murume wekare wokutenda, Jobho, akamboti: “Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai; neshiri dzokudenga, dzichakuudzai; . . . Ndianiko usingadzidze pazvinhu izvi zvose, kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose?” (Jobho 12:7-9) Hungu, uchenjeri hwoMusiki huri pachena muzvinhu zvinozivikanwa navose zvakadai sechimiro chine mativi matanhatu chezvizinga zvaunogona kuona muzinga.

Nepo madziro emhora eizvi zvizinga achingova zvawo akakora chinenge chikamu chimwe chezvitatu chemirimita, akasimba zvikuru. Kutaura idi, anogona kutakura kurema kwawo kune ka 30.

Iri simba rinogona kushandiswa mukushanda chaiko, zvakadai somukudzivirira zvishandiswa pakurova. Riri kutodzivirira zvishandiswo zvehondo zvinodzikiswa kupasi. The New York Times inoti pamusoro paikoku: “Zvinhu zvinorema samajeep zvinosungirwa kumapuratifomu namabhuroko amazinga apasi kuti aderedze kurova kwokumhara.”

Zvinhu zvinoitwa nomunhu nouyu mugadziriro zvinogona kuumbwa zvichibva muzvinhu zvakawanda. Chinozivikanwa navose zvikurusa chinoratidzika kuva pepa. Pepa renaironi neresin riri kushandiswa kuumba zinga iro rinopinda muvhiri rendege huru. Simba racho rinouya nokurema kuduku zvikuru. Neiko? Zhinjisa yenzvimbo iri pakati pamapanel mweya, naizvozvo pane uremu huduku. Mweya unewo mavara akanaka anodzivirira.

Nyuchiwo zvayo haisati ichi“ziva” chaizvoizvo kwose ikoku, nokuti haina dhigirii muhuinjinia. Bva, zuva nezuva inoita basa rayo nouchenjeri hwomusikirwo hwakagoverwa noMusiki, Jehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe