Mwoto Unonyandura Gadziriro Yokuvaka
“MWOTO! Mwoto! Horo yeGungano yeZvapupu zvaJehovha iri kutsva!” Uku kuchema kunokatyamadza kwakanzwika mamwe masikati eChishanu muna October 1989 muHeerenveen, taundi riri munzvimbo yokuchamhembe kweNetherlands.
Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvashandisa iyi Horo yeGungano yakaisvonaka kwamakore 11. Kunodokuva kupera kwevhiki kuri kose, mazana akanga aungana imomo nokuda kwegungano redunhu ramazuva maviri kana kuti zvimwe zuva chairo regungano rezuva rimwe. Yakanga yave iri nzvimbo yakanaka nokuda kwomurairidzo weBhaibheri.
Tsaona yakaitika apo basa rakanga riri kuitwa padenga rehoro yacho. Muanodokuva maminiti, iyi tsaona yakaita kuti horo yacho ive matongo anotsva zvishoma nezvishoma. Tinoonga, zvisinei, kuti hapana munhu akakuvadzwa.
Zvasuruvara pamusoro perasikirwo asi zvisina kuodzwa mwoyo, Zvapupu zvakaita rongedzero dzehoro itsva pane imwe nzvimbo. Zvakawana nzvimbo yakakodzera paSwifterbant, muruwa rweFlevoland. Iyi imhenderekedzo yakakura iri mune yaichimbova Zuider Zee yomukati, iri mamita mashonu pasi pemwero wegungwa.
Pakasvika January 1991 chiratidzo chakaziviswa chokutanga kuvaka Horo yeGungano itsva. Yaizovakwa pakati paMay naSeptember 1991. Mazana eZvapupu akazvipira kushanda panzvimbo yacho, uye mamwe majaya akaona basa racho senhano yokufambira mberi kukubatira Jehovha Mwari nguva yakazara. Vakawanda vavashandi vakabva Belgium neEngland.
Chivako chakarongwa zvakanaka chakavakwa. Horo yacho nenzvimbo yamabiko zvakaparadzaniswa nomukoto une denga ramagirazi. Horo huru inogara vanhu 1 008, uye vamwe 230 vanogona kutarira purogiramu muterevhizheni vari muhoro iri nechepedyo.
Nhasi, zviuru zviri kuti: ‘Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, uye iye achatirairidza pamusoro penzira dzake.’ (Isaya 2:2, 3) Iyi Horo yeGungano itsva ndeimwe chete yenzvimbo dzakawanda uko murairidzo womudzimu wakadaro uri kugoverwa. Horo yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha ndeimwe. Ikoko uchawana kugamuchirwa kwoushamwari.