RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 4/15 pp. 3-4
  • Tinoda Mumwe Munhu Kuti Ateerere

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoda Mumwe Munhu Kuti Ateerere
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • “Kukumbira Kwenyu Ngakuziviswe Mwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 4/15 pp. 3-4

Tinoda Mumwe Munhu Kuti Ateerere

SAVANHU, tinoedza kuwana mufaro negutsikano muupenyu. Asi apo zvinetso zvomunhu oga zvinomuka, kunobetsera uye kunonyaradza sei kuva nomumwe munhu wokukurukura naye zvinetso zvedu!

Dr. George S. Stevenson anoti: “Kutaura zvinhu kunobetsera kunyaradza kurwadziwa kwako, kunobetsera kuona kunetseka kwako muchiono chakajeka zvikuru, kunowanzokubetsera kuona chaunogona kuita pamusoro pako.” Dr. Rose Hilferding akati: “Isu tose tinofanira kugoverana zvinetso zvedu. Tinofanira kugoverana kunetseka. Tinofanira kunzwa kuti pane mumwe munhu munyika anodisa kuteerera uye anokwanisa kunzwisisa.”

Chokwadika, hapana munhu anogona kuita zvakakwana ichi chinodikanwa. Nemhaka yeganhuriro panguva nezvimwe zvinhu, vanhu vatinovimba navo vangasava vanowanikwa apo tinovada zvikurusa, kana kuti tingava vanozengurira kukurukura nhau dzakati kunyange neshamwari dzedu dzapedyo zvikurusa.

MaKristu echokwadi, zvisinei, haasati atongori asina chose chose anoteerera, nokuti mukoto womunyengetero unowanika nguva dzose. Bhaibheri rinotikurudzira ratikurudzirazve kunyengetera kuna Mwari, Musiki wedu, ane zita rinonzi Jehovha. Tinorairwa kunyengetera zvapachokwadi, muzita raJesu, uye mutsinhirano nokuda kwaMwari. Kunyange nhau dzomunhu oga nedzapachivande inhau dzakakodzera munyengetero. “Muchinhu chiri chose . . . mikumbiro yenyu ngaiziviswe kuna Mwari,” tinoudzwa kudaro pana VaFiripi 4:6, (NW). Chipo chinoshamisa zvakadini! Changamire Mutongi wechisiko chedu chapose pose akagadzirira nguva dzose kutambira nokugamuchira minyengetero yavabatiri vake vanozvininipisa papi kana papi pavanoshuva kumusvika.—Pisarema 83:18; Mateo 6:9-15; Johane 14:13, 14; 1 Johane 5:14.

Bva, Mwari anoteerera chaizvoizvo here? Vamwe vangashamisika kana kushanda kwomunyengetero kwakaganhurirwa kumano omunhu: Munhu anonyengetera, achironga mifungo yake uye achiitaura mumashoko. Atsanangura kudaro chinetso chake, anotsvaka chigadzikiso chakakodzera uye anongwarira chinhu chiri chose chingabetsera kukuchiwana. Apo chinetso chake chinenge chapedzwa, iye angarumbidza Mwari, asi chaizvoizvo yakanga iri ndangariro yake amene nenhamburiko zvakaparira miuyo yaishuviwa.

Vakawanda nhasi vanofunga kuti izvozvo ndizvo zvoga zviripo chaizvoizvo kumunyengetero. Unodarowo here? Simba romunyengetero rakanzarwozvo kuganhurirwa here? Sezvinobvumwa, nhamburiko dzomunhu dzendangariro nedzomuviri mutsinhirano neminyengetero yake dzinoita basa rinokosha mukugamuchira mhinduro. Zvakadiniko, zvisinei, nezvebasa raMwari amene munhau yacho? Mwari anoteerera here apo unonyengetera kwaari? Anokoshesa minyengetero yako, achirangarira zviri mairi uye achiipindura here?

Mhinduro kumibvunzo iyoyi dzinokosha. Kana Mwari asingapi ngwariro yake kuminyengetero yedu, ipapo munyengetero hausati uri unopfuura ukoshi hwendangariro. Pane rumwe rutivi, kana Mwari achigamuchira ndokuteerera nefariro kumumwe nomumwe weminyengetero yedu, tinofanira kuva vanoonga sei nokuda kwegadziriro yakadaro! Kunofanira kutisunda kushandisa gadziriro iyoyo zuva riri rose.

Tinokukumbira, ipapoka, kupfuurira kurava, sezvo idzi nhau dzinokurukurwa munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe