“Simba Rinopfuura Renguva Dzose”
MUKRISTU anogona kutsungirira zvakawanda sei? Nhasi, maKristu munyika yose anotarisana nourombo, kuputsika kwemhuri, vhiringidziko yendangariro, chirwere, hondo, uye chitambudzo. Kune mufungo here kuakarira kuchengeta perero pasinei zvapo naikoku kose? Muapostora Pauro akati kwaiva. Iye akanyora, kuti: “Ndine simba rezvinhu zvose kupfurikidza naiye anopa simba kwandiri.”—VaFiripi 4:13, NW.
Nhau yakaratidza kuti simba rinobva kuna Jehovha chaizvoizvo rakakwana nokuda kwezvinhu zvose. Somuenzaniso, mukati mehurumende yeNazi muGermany, Zvapupu zvaJehovha zvakatambura chitambudzo chinotyisa. Zvakatsungirira here? Bhuku rinonzi Les Bibelforscher et le nazisme (Vadzidzi veBhaibheri nechiNazi) rinoti: “Pasinei zvapo nokurova kwose, tyisidziro, uye kurambidza, pasinei zvapo nokunyadzisa pachena, kuiswa mutorongo nokuchengetwa mumisasa yechibharo, Vadzidzi veBhaibheri [Zvapupu zvaJehovha] havana kutongozvibvumira vamene ku‘dzidziswazve.’”
Mumisasa yechibharo, Zvapupu zvaizivikanwa netune mativi matatu tuduku twepepuru paruoko rwazvo rwechipfeko uye zvaisarudzwa nokuda kwoutsinye chaihwo. Ko ikoku kwakazviparadza here? Nyanzvi yokushanda kwendangariro Bruno Bettelheim yakataura kuti izvo “hazvina bedzi kuratidza ukuru hwechienzi hwechiremera pachinoitika chomusasa chimwe chetecho icho chakakurumidza kuparadza vanhu vairangarirwa kuva vakasanobatanidzwa zvikuru neshamwari dzangu nyanzvi dzokushanda kwendangariro neni ndimene.”
Hungu, izvo zvaiva ne‘simba rezvinhu zvose.’ Nemhaka yei? nemhaka yokuti zvaivimba naJehovha. Pauro akati: “Tine iyi pfuma mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura renguva dzose rigova raMwari ndizvo kwete rinobva matiri timene.” (2 VaKorinte 4:7, NW) Kana iwe ukafanira kusangana nomugariro unotambudza, tarira nechivimbo kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Wasimbiswa nesimba rinopfuura renguva dzose iro iye anogovera, uchakwanisa kutsungirira.—Ruka 11:13.