Vazivisi Voumambo Vanoshuma
‘Kucheka’ muVenezuela
Pane imwe nhambo Jesu akafananidza basa rokuparidzira nokucheka kwegore negore. (Mateo 9:36-38) Tenzi wokucheka ndiJehovha Mwari, uye kucheka kukuru zvirokwazvo kupota nyika yose. Ikoku kunobatanidza ndima isingawanzoshandwi muVenezuela.
Hofisi yebazu yeVenezuela yeWatch Tower Society inoshuma chakaitika apo boka reZvapupu rakashanda ndima yeSabana Grande, Guárico State. Zvapupu zvinorondedzera, kuti: “Imba yataifanira kugara mairi yakanga iri nzvimbo yakanaka kuva nemisangano, Naizvozvo nokukurumidza takatanga kukokera vanhu kumisangano ikoko. Vanhu vakanga vasingazivi nezveZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo kwakanga kune mapoka mana eEvangelical mutaundi, vanhu vakanga vachidisa kudzidza muBhaibheri.
“Takashanda kwamaawa matatu mumangwanani uye kwamaawa matatu mumasikati, tichishanyira imba neimba uye kukokera vanhu kumusangano usiku hwaitevera. Takanga tisina zvigaro, naizvozvo takavakumbira kuunza zvigaro zvavo vamene. Apo nguva yakasvika yokuti musangano utange, vanhu vakatanga kuuya, mumwe nomumwe akatakura chigaro. Apo musangano wakapera, takavaudza kuti tingada kunyora pasi mazita eavo vaishuva kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena. Vose 29 vaivapo vaida kuti mazita avo anyorwe.
“Sezvataivhara suo shure kwomuenzi wokupedzisira, takacherekedza varume vatatu vakanga vakamira pakona remba. Panenge pa 9 kiroko, takanga tagadzirira kugara pasi kuti tidye apo vakagogodza pasuo. Vakabvunza mibvunzo yakadai seiyi: ‘Chii chiri uku kuparidzira kwamuri kuita mutaundi rino? Mava nomusangano pano usiku huno nokuda kwechikonzeroi?’
“Takabvunza kana takanga taputsa mutemo upi noupi. Vakapindura kuti aiwa ndokuti vakanga vari vafudzi venhatu dzechechi dzeEvangelical dzomutaundi. Vakanga vashatiriswa nemhaka yokuti machechi avo akanga asina vanhu madekwana iwayo. Takavakoka kupinda ndokutsanangura basa redu. Takavagoverawo mabhuku ndokuvakumbira kudzoka China chaitevera.
“China chakatevera vafudzi vakadzoka uye pamwe navo vamwe vanhu 22 vaida kunzwa izvo taizotaura. Vafudzi vakafunga kuti, zvataiva vakadzi, hataizosvika pamwero wavo mukurukurirano. Kunyanguvezvo, musangano wacho wakabudirira mukuwirirana nomufungo wedu timene. Pakupedzisira takatsanangura kuti tiri kuita ndaza yaavo vaida kudzidza zvakawanda muBhaibheri. Chiverengero chakati cheshamwari dzavafudzi chaida kuti mazita avo awedzerwe kundaza, uye vamwe vakatoti vaida kubuda nesu mubasa rokuparidzira!
“Takatsanangura kuti vaizoda zivo yakawanda yeBhaibheri nerovedzo vasati vagona kutikumbanira mubasa rokuparidzira. Zuva riri rose vanhu vaiuya kumba, vachitikumbira kuti titsanangure Bhaibheri kwavari. Pane dzimwe nguva, apo takanga tataura kusvika usiku chaihwo, taitofanira kuvakumbira kuenda kumba. Apo pakupedzisira taitofanira kusiya ndima yacho, vakasuruvara zvikuru uye vakatiudza kuti apo tinodzoka, vaizoenda nesu mubasa rokuparidzira. Vakavimbisa kuti panguva iyoyo vaizova vaita fambiro mberi inodikanwa.”
Apo Zvapupu zvakabva mundima iyoyo, kwakanga kune vanhu 40 vaida kufunda Bhaibheri. Mazita aava vanhu vanofarira akapiwa kuungano iri pedyosa, iyo iri makiromita anenge 50 kubva ipapo. Gare gare, zvimwe Zvapupu zvakabva kurimwe guta zvakatamira muiri taundi, uye boka ravaparidzi vanoshingaira vamashoko akanaka rakaumbwa.