Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Vatsvaki Vezvokwadi Vanogamuchira Uchapupu Hwamasanga
BHAIBHERI rinotizivisa kuti vanhu vakafanana namakwai vachagamuchira inzwi roMufudzi Akaisvonaka. (Johane 10:27) Ikoku ndiko kwave kuchiitika munyika dzakawanda, kubatanidza Britain.
◻ Somuenzaniso, muna 1988, pamberi chaipo peKrisimisa, Pamela, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akadavira runhare rwaiva muhofisi maaishanda ndokutaura kumutengesi anoshandira kambani imwe cheteyo murumwe rutivi rweEngland. Pamhedziso yorunhare rwacho, murume wacho akabvunza, kuti: “Watogadzirira here nokuda kweKrisimisa?” Pamela akati: “Aiwa!” “Hauna kuti nonokei here?” muridzi worunhare akabvunza kudaro. “Ini handichengeti Krisimisa,” Pamela akapindura kudaro. Murume wacho akati ikoko kwakanga kuri kwechienzi ndokubvunza chikonzero nei. Pamela akamuudza kuti iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha ndokupfuurira kutsanangura kuti muBhaibheri makanga musina murairo wokuchengeta zuva rokuzvarwa kwaJesu, uye kunze kwezvo, Jesu haana kuberekwa pana December 25. Uyezve, Krisimisa kubvira pakuvamba yaiva chengeto yechihedheni. Muridzi worunhare akati zvose zvainzwika kuva zvinofadza zvikuru.
Mwedzi mitatu gare gare Pamela akadavira runhare, uye muridzi worunhare akati: “Unoyeuka here uchitaura kwandiri pamberi peKrisimisa uye uchindiudza kuti waisachengeta Krisimisa? Eya, ndakawana zvokwadi!” Akanga ari murume mumwe cheteyo, uye iye akatsanangura kuti mavhiki maviri pashure peKrisimisa, Zvapupu zviviri zvakashanyira musha wake. Iye akavakoka kupinda, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Iye akarondedzera kuti akanga aita fambiro mberi yokukurumidza mufundo dzake. Akaudza musikana wake waaigara naye kuti mararamire avo akanga asingafadzi kuna Jehovha, naizvozvo vakaparadzana, uye zvino vose vari vaviri vakanga vachipinda misangano paHoro yoUmambo.
Pamugumo wegore, vakagamuchirwa savaparidzi vasina kubhapatidzwa, uye pakuvamba muna 1990 vakaroorana. Ipapo vakabhapatidzwa pamwe chete. Muuyo wakaisvonaka wakabva muuchapupu hupfupi hwamasanga, murunhare!
◻ Jehovha akakomborera imwe hanzvadzi iyo yakapupurira nenzira yamasanga muEngland. Apo murume weinishuwarenzi akauya pasuo rayo, hanzvadzi yacho yakamubvunza kana angada kuvimbiswa utano hwakanaka, mufarwa, uye upenyu husingaperi. Iye akati hungu ndokumubvunza kuti iinishuwarenzi ipi yaakanga achitaura pamusoro payo. Achiratidzwa muBhaibheri chipikirwa chaMwari choupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano, iye akagamuchira kopi yebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano ndokurava chinyorwa chacho chose mumanheru mamwe. Paakashanyira hanzvadzi yacho zvakare, iye akaiudza kuti mashoko acho akanga achishamisa—kudai bedzi akanga ane kutenda kwokuti aadavire. Hanzvadzi yakatsanangura kuti iye aifanira kufunda Bhaibheri nokupinda misangano paHoro yoUmambo. Fundo yeBhaibheri yakarongwa, uye akavamba kupinda misangano. Iye akabhapatidzwa pakupera kwegore rimwe chetero. Gore rimwe bedzi gare gare, iye akaroora mwanasikana wehanzvadzi yakanga yatanga kupupurira kwaari. “Naizvozvo,” hanzvadzi yacho inodaro, “ndakawana zvose zviri zviviri hama nomukuwasha kupfurikidza nokupupurira kwangu kwamasanga!”
Iidi kuti vatsvaki vezvokwadi vanogamuchira apo zvokwadi yeBhaibheri inopiwa kupfurikidza nokupupurira kwamasanga. Sokutaura kwakaita Jesu, makwai ake anoteerera inzwi rake.