Sayenzi Inogona Kubvumikisa Manenji Kuva Enhema Here?
Ko manenji eBhaibheri akaitika chaizvoizvo here? Kune vakawanda, kubatanidza masayendisiti akawanda navatungamiriri vorudzidziso, vanopindura kuti aiwa. Ivo vanorangarira kuti chitendero mumanenji ndechezera rinotenda mashura zvikuru uye kuti sayenzi yazvino uno yakabvumikisa bviro yokuitika kwawo kuva yenhema. Nokudaro, tsamba inotevera yakabudiswa muThe Times yeLondon ndokusainwa nechiverengero chakati chamasayendisiti yakafanirwa necherekedzo. Iyo inoti:
“Hakuna kunaka nenzira ine mufungo kushandisa sayenzi sechibvumikiso chokurwisana namanenji. Kudavira kuti manenji haagoni kuitika chiito zvikuru chokutenda sokudavira kuti anogona kuitika. . . . Manenji ndizvinoitika zvisina muenzaniso. Chipi kana chipi chingakarakadza mitoo yazvino muuzivi kana kuti zvizaruro zvenzvero yemirangariro, kunokosha kusimbisa kuti sayenzi (sezvayakavakirwa pakucherekedzwa kwemienzaniso) inogona kusava nechinhu chokutaura panhau yacho. ‘Mitemo’ yayo inongova kutaurwawo zvako kworuzivo rwedu rwokuzviwanira. Kutenda kunotsamira pazvimwe zvikonzero.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Zvamazvirokwazvo, hakuna nzira iyo sayenzi yazvino uno inogona nayo kubvumikisa nhauro dzamanenji dzakanyorwa muBhaibheri kuva dzenhema.