RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakadiniko Nenguva Yemberi?
    Mukai!—1991
  • Mhuka—Tichanakidzwa Nadzo Nokusingaperi
    Mukai!—2004
  • Kufanotaura Nezveremangwana Rava Pedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
    Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Neiko Isaya 11:6 (NW), ichitaura kuti “bere richagara zvomenemene kwechinguvana negondohwe”? Rugare rwakadaro harusati ruchizova rwechigarire here?

Rugare runozorodza muchisiko chemhuka rwakaporofitwa pana Isaya 11:6-9 ruchava rwechigarire. Asi kushandurwa kwokungwarira kwaIsaya 11:6 kunojekesa kuti mhuka dzakadaro hadzisati dzichizova pamwe chete nguva dzose.

MuNew World Translation of the Holy Scriptures, Isaya 11:6 inorava, kuti: “Bere richagara chaizvoizvo kwechinguvana negondohwe, uye ingwe imene ichavata pasi nembudzana, uye mhuru neshumba duku ine zenze nemhuka yakasanokodzwa zvose pamwe chete; uye mukomana mudukuwo zvake achava mutungamiriri padziri.”

Kushandura kuri muzvinyorwa zvizhinji zveBhaibheri chimwe chinhu chakafanana nokuti: “Bere richagarawo [kana kuti, “kurarama”] negwaiana.” Kushandura kwakadaro kungapa chiono chebere negwaiana zvichiva shamwari dzinopfuurira, sokunge mumhuri itsva kana kuti gadziriro yokurarama.

Zvisinei, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “kugara” kana kuti “kurarama” ndigur. Mukuwirirana nomunyori weduramashoko William Gesenius, rinoreva “kugara kwechinguvana, kugara kwenguva yakati, kurarama sousiri pamusha, ndiko kuti somuenzi, munhu wokumwe, mueni.” (A Hebrew and English Lexicon of the Old Testament, rakashandurwa naEdward Robinson) Duramashoko rakanyorwa naF. Brown, S. Driver, uye C. Briggs rinopa revo yokuti “kugara kwechinguvana, kugara kwenguva (chaiyoiyo kana kuti kusvikira kunguva isi[ngazivikanwi]), kugara somunhu mutsva . . . asina maruramiro apakuvamba.”

Mwari akashandisa gur mukuudza Abrahama ku“gara somuenzi” muKanani. Tateguru aisazova muridzi wenyika, asi aigona kuva mugari wemo akadzivirirwa imomo. (Genesi 26:3; Eksodho 6:2-4; VaHebheru 11:9, 13) Nenzira yakafanana, Jakobho akataura kuti iye akanga ‘achigara somuenzi’ munharaunda yeHarani, nokuti aizodzokera kuKanani.—Genesi 29:4; 32:4.

MuParadhiso iyo Mwari achakurumidza kutanga, mhuka navanhu zvichava norugare. Gwaiana harisati richizova mungozi kuva nebere kana kuti mhuru neingwe. Sokunge kuratidza musiano nowazvino, mutauro unotobvumira mufungo wokuti bere raizova mugari akadzivirirwa negwaiana.—Isaya 35:9; 65:25.a

Bva, mhuka dzakadaro dzingave dzichine nzvimbo dzokugara dzakasiana. Dzimwe mhuka dzakakodzera kusango, dzimwe kumipata, dzimwezve kunzvimbo dzemhenderekedzo dzegungwa kana kuti mumakomo. Kunyange panguva yeParadhiso yapakuvamba, Mwari akataura nezve‘mhuka dzinopfuyiwa nezvikara.’ (Genesi 1:24) Mhuka dzinopfuyiwa sezviri pachena dzaiva idzo dzingawanzova pedyo navanhu nomokugara mavo. Chikara, kunyange zvazvo chisingatyisi, sezviri pachena chaida hacho kugara kure norudzi rwomunhu. Naizvozvo, sokudeya kutaura kunoita uporofita hwaIsaya, bere “richagara kwechinguvana negondohwe,” asi harisati richizova pedyo nemhuka dzinopfuyiwa dzakadaro nenzira inopfuurira.

[Mashoko Omuzasi]

a The Bible in Living English inotaura Isaya 11:6 neiyi nzira: “Uye bere richachengetwa negwaiana.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

Zoological Research Center, Tel-Aviv Hebrew University

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe