RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 7/15 p. 26
  • Revo Yomunyengetero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Revo Yomunyengetero
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 7/15 p. 26

Revo Yomunyengetero

“MuchiHebheru, shoko guru romunyengetero rinobva mumavambo anoti, ‘kutonga’, uye chimiro chokunongedzera chenguva dzose . . . chinoreva chaizvoizvo, ‘kuzvitonga umene.’” Rinotaura kudaro The Authorised Daily Prayer Book. Revo yacho ndeyokuti rimwe ramabasa omunyengetero nderokuti unofanira kubetsera munhu wacho kuona kana achisvitsa mipimo yakarurama nezvinodikanwa zvaMwari.

Nokuda kwechikonzero ichochi, muBhaibheri rose, tinoudzwa kuti kutoti mumwe ari kuita kuda kwaMwari, minyengetero yake haisati ichizonzwiwa zvakanaka. “Jehovha uri kure navakaipa; asi unonzwa munyengetero wavakarurama.”—Zvirevo 15:29; 1 Johane 5:14.

Kuzvinzvera pamberi paJehovha Mwari zvamazvirokwazvo kunofanira kuita kuti ari kunyengetera ave anozvininipisa naanozwa urombo. Ikoku kunopa simba zvikuru kumufananidzo waJesu womuFarise anoganza nomuteresi anonzwa urombo vakauya kutembere kuti vanyengetere.—Ruka 18:9-14.

Nokudaro, kana tichinyengetera kuna Jehovha kuti tionge, kurumbidza, kana kuti kumukumbira, nguva dzose munyengetero inhambo yokuzvinzvera. Nenzira iyoyi, munyengetero unotiswededza pedyo zvikuru naJehovha uye unosimbisa ukama hwedu naye.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe