RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 6/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Famba Sezvinoraidzwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 6/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ MuKristu anofanira kudzivisa zvakasimba sei kuisirwa ropa kwakarairwa kana kuti kwakabvumirwa nedare?

Mugariro mumwe nomumwe wakasiana, naizvozvo hakuna murairo unobatanidza zvose pana ikoku. MaKristu anozivikanwa nokuda kwoku‘dzorera kuna Kesari zvinhu zvaKesari’ nenzira yokuremekedza, kuteerera mitemo yehurumende yenyika. Bva, anoziva kuti musengwa wawo mukuru kupa “zvinhu zvaMwari kuna Mwari,” asingapunzi mutemo wake.—Marko 12:17, NW.

VaRoma 13:1-7 (NW), inokurukura ukama hwamaKristu ne“zviremera zvikuru” zvehurumende. Hurumende dzakadaro dzine chiremera chokuita mitemo kana kuti kubudisa nhungamiro, kazhinji kazhinji kusimudzira garikano yavose yavanhu. Uye hurumende ‘dzinobata munondo’ kutarisira kuteererwa kwemitemo yadzo noku‘ratidzira kutsamwa pamunhu anoshandisa chiri chakashata mukuwirirana nemitemo yadzo.’ Zvaanochizviisa pasi pezviremera zvikuru, maKristu anoshuva kuteerera mitemo nezvirevo zvamatare, asi uku kuzviisa pasi kunofanira kuva kune mwero. Kana muKristu akakumbirwa kutera kuchimwe chinhu chaizova kupunzwa kwomutemo mukuru waMwari, mutemo woumwari unouya pakutanga; unotanga.

Mimwe mitemo yazvino uno iyo yakanaka zvikuru ingashandiswa zvisakafanira kupa chiremera chokumanikidzirwa kwokuisirwa ropa pamuKristu. Muichi chinoitika maKristu anofanira kutora chimiro chimwe chetecho chakatora muapostora Petro: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 5:29, NW.

Jehovha akaraira vaIsraeri, kuti: “Chenjera kwazvo kuti urege kudya ropa, nokuti ndihwo upenyu; usadya upenyu pamwe chete nenyama.” (Dheuteronomio 12:23) Shanduro yeBhaibheri rechiJudha ya 1917 inorava, kuti: “Ingova bedzi akatsiga mukusadya ropa.” Uye Isaac Leeser akashandura ndima yacho, kuti: “Ingova bedzi akasimba kuti urege kudya ropa.” Ikoko kunonzwika here sokunge vabatiri vaMwari vaifanira kuva vasingaitiri hanya kana kuti vasingakendengi pamusoro pokutsigira mutemo wake?

Nechikonzero chakanaka maKristu akasarudza chose chose kuteerera Mwari, kunyange kana hurumende ikaaraira neimwe nzira. Purofesa Robert L. Wilken anonyora, kuti: “MaKristu aisaramba bedzi basa rehondo [reRoma] asi aisagamuchira nzvimbo yehurumende kana kuti kutora mutoro upi noupi wokudzorwa kwamaguta.” (The Christians as the Romans Saw Them) Kuramba kwaigona kureva kunzi vapunzi vemitemo kana kuti kushurikidzirwa kunhandare yeRoma.

MaKristu nhasi anofanirawo kuva akatsiga, akasarudza zvakasimba kusapunza mutemo woumwari, kunyange kana ikoko kukaapinza mungozi yakati kana toreva nezvehurumende dzenyika. Mutemo mukurusa wechisiko chapose pose—mutemo waMwari—unoda kuti maKristu arege ropa, sezvo achirairwa kudzivisa ufeve (utere hwevatano). Bhaibheri rinodana idzi rambidzo kuti “zvinhu zviri madikanwa.” (Mabasa 15:19-21, 28, 29, NW) Mutemo woumwari wakadaro hausati uchifanira kurerutswa, sechimwe chinhu chinofanira kungoteererwa bedzi kana kuchikodzera kana kuti kusingapi zvinetso. Mutemo waMwari unofanira kuteererwa!

Tinogona kunzwisisa, ipapoka, nei muKristu muduku adudzwa papeji 17 akaudza dare kuti “airangarira kuisirwa ropa sokuvhozhokerwa kwomuviri wake ndokukuenzanisa nokubatwa chibharo.” Ko mukadzi upi noupi wechiKristu, muduku kana kuti mukuru, aizobvuma zvake kubatwa chibharo here, kunyange kudai paiva nebvumidzo yapamutemo yokuti ufeve kupfurikidza nedenho yevatano huitwe?

Nenzira yakafanana, ane makore 12 okukura anokorwa mashoko papeji imwe cheteyo haana kusiya panikiro yokuti ‘aizorwisa kuisira ropa kupi nokupi kunopiwa chiremera nedare nesimba rose raaigona kuunganidza, kuti aizozhamba nokurwisa, kuti iye aizovhomora jekiseni muruoko rwake uye aizoedza kuparadza ropa riri mubhegi riri pamusoro pamubhedha wake.’ Iye akanga asarudza zvakatsiga kuteerera mutemo woumwari.

Jesu akabva munharaunda apo boka raida kumuita mambo. Nenzira yakafanana, kana kuisira kunopiwa chiremera nedare kukaratidzika kuva kungabvira, muKristu angasarudza kudzivisa kuva anowanika nokuda kwokupunzwa kwakadaro kwomutemo waMwari. (Mateo 10:16; Johane 6:15) Panguva imwe cheteyo, muKristu anofanira kutsvaka kumwe kurapwa nenzira yokuchenjera, nokudaro achiita nhamburiko yechokwadi yokuchengeta upenyu nokuwanazve utano hwakazara.

Kana muKristu akashandisa nhamburiko dzakasimba zvikuru kuti adzivise kupunzwa kwomutemo waMwari paropa, zviremera zvingamurangarira kuva mupunzi womutemo kana kuti kumuita kuti arangwe. Kana chirango chikavapo, muKristu angachirangarira sokutambura nokuda kwokururama. (Enzanisa na 1 Petro 2:18-20.) Asi muzvinoitika zvizhinjisa, maKristu akadzivisa kuisirwa uye nokurapwa kwounyanzvi akanaya, zvokuti hapana zvinetso zvapamutemo zvisingagumi zvakavapo. Uye zvinokosha zvikurusa, akachengeta perero yawo kuMupi Upenyu wawo Woumwari noMutongi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe