Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Jehovha Anogovera Betsero
MISI ichangobva kupfuura iyi, Zvapupu zvaJehovha zviri muSouth Africa zvakagamuchira shoko romugariro wokupererwa nezano rose wehama dzazvo dzomudzimu dziri munyika iri pedyo umo basa radzo rokuparidzira rakarambidzwa. Kwakashumwa kwazviri kuti nemhaka yokusanaya kwemvura kwakakomba, hama dzazvo dzakanga dzichipona nokudya midzi yakati. Dzaishaiwawo zvipfeko zvakakodzera, izvo zvakaita kuti Zvapupu zvakati zvizengurire kugoverana muushumiri hwomumunda.
Nokukurumidza hama dziri muSouth Africa dzakaita chimwe chinhu. Danidzo yakaiswa kuungano dzomunzvimbomo munharaunda yeJohannesburg pamusoro pedikanwo yezvipfeko. Mukati mamazuva, matani matatu ezvipfeko akanga apiwa. Ipapo zvinhu zvacho zvakarongwa navashandi vanozvipira. Gadziriro dzakaitwa dzokutumira matani matatu ebhinzi, tani 1 yamafuta, tani 1 yesipo, uye matani 17 oupfu. Apo kambani yakagovera upfu yakanzwa mugariro weZvapupu zviri munyika isiri kunaya mvura, vakapa inopfuura tani yeizvi zvokudya zvaidikanwa zvikuru.
PaMuvhuro, April 16, 1990, rori ine mutoro wamatani 25 ezvokudya zvebetsero yakabva muSouth Africa parwendo rwayo rwamakiromita 5 500. Asi zvino mvumo yaifanira kuwanwa kuzviremera kuti vapinze migove yacho kunyika yavo yasakadzwa nehondo.
Zviremera zvapaimba yavamiriri vedzimwe nyika zvakataura kuti kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingazivikanwi munyika yazvo, zvaisanoziva kuvapo kwazvo. Paisazova nechirambidzo kukutumira migove yebetsero kuhama dzedu. Mvumo yakapiwa. Magwaro ari madikanwa akabudiswa, uye paChishanu, April 20, Zvapupu zvakayambuka muganhu pasina chinetso. Kunyanguvezvo, zvakasangana nokumiswa mumugwagwa kunopfuura 30, pavaidikanirwa kazhinji kazhinji kuratidza magwaro avo. Paiva panguva iyeyo bedzi apo vakaziva kuti magwaro iwayo akanga ari madikanwa sei.
Pashure pokunge vafamba makiromita 140 munyika yacho, kufambira mberi kwavo kwakadziviswa norwizi rukuru rwakazara. Bhiriji rapakuvamba rakanga raparadzwa, uye rechinguvana munzvimbo yaro rakanga risina kukodzera kuti rori huru ishandise. Zvisinei, vakawana kuti motokari duku yaiperekedza mudungwe wemotokari yaigona kuyambuka bhiriji rakafashamirwa zvakakotsekana. Kwakasarudzwa kukamura kuva mapoka maviri. Musasa wakadzikwa parwizi rwakazara nokuda kweboka rimwe, apo rimwe boka rakapfuurira panzira yavo kuti vasangane nehama makiromita 260 kure kuchamhembe. Vakafara sei kuonana pakupedzisira nehama dzacho! Vakanga vasingagoni kurega kunyemwerera, kumbundira, uye kubatana maoko. Nokukurumidza marori maviri omunzvimbomo akanga ava panzira yawo kuti asangane nerimwe boka rehama dzakamirira dziri parwizi. Ipapo, migove yebetsero yakachinjwa kubva murori hombe kuenda kumbiri duku.
Mishumo yakagamuchirwa inoratidzira kuonga kukuru nokuda kwegadziriro yaJehovha yebetsero yezvokunyama. Bva, pasinei zvapo nomugariro wadzo womuviri, kudanidzira kwehama nokuda kwezvokudya zvomudzimu kwakanga kuri kunyange kwokupererwa nezano rose zvikuru. Imwe ungano yakakwanisa kuwana bedzi Nharireyomurindi imwe, iyo yaifanira kukopwa nokuda kwemhuri imwe neimwe. Kuonga kuna Jehovha, gadziriro dziri kufambira mberi zvino dzokugovera kuyerera kwakatsiga kwezvokudya zvomudzimu kuhama dziri munyika iyoyo.